Uncategorized

Kusabhadhara chikwereti . . .vanhu 7 vakaitwa makudo nen’anga

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Kusabhadhara chikwereti . . .vanhu 7 vakaitwa makudo nen’anga Sekuru Chiyokoto

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Vanhu vanomwe vemhuri imwe chete yekuTete, kumuganho weZimbabwe neMozambique vanonzi vakaita svondo rose vari makudo — makuru nemaduku — mushure mekunge mashandisirwa mishonga nen’anga yekuRushinga zvichitevera gakava ravainge voita pamusoro pemuripo waidiwa negodobori iri.

N’anga ine mukurumbira kudunhu raMambo Makuni, kuMashonaland Central iyi inonzi yainge yashandira mhuri iyi yane zvaivanetsa asi ndokuzotadza kuwirirana panyaya yemuripo – vanhu vachibva vasandurwa kuita makudo. Manenji aya anonzi akaitika kumhuri yekwaAgostinho kana kuti Adriano iyo inobva kuChifunde, mudunhu reTete, kuMozambique.

Mhuri iyi inonzi yakaita dambudziko revana vairohwa nezvishiri kana kuti zvidhoma zvikaita kuti vatsvage rubatsiro kun’anga yekuRushinga inonzi VaEveristo Nhete (66) — iyo inozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Sekuru Chiyokoto. N’anga iyi ine misha miviri — uri mubhuku raMeki, kwaMambo Makuni kudivi reZimbabwe neuri kuHilla Border Post, kwaMambo Kalopola, kudivi reMozambique.

Kwayedza yakaenda uku ndokunoita hurukuro naSekuru Chiyokoto, avo vanotsinhira kuti vanokwanisa kuita masaramusi anodarika akaitika kumhuri yavanonzi vakasandura vanhu kuvaita makudo. N’anga ine mutupo weNhari Unendoro iyi yakawanikwa iri kumumwe musha wayo kwaMambo Kalopola, kuTete uko yakati masaramusi akaita seaya ainoitwa nemishonga yayo.

Imba yemidzimu

“Hongu, nyaya yevanhu vakasanduka vakaita makudo inoitika. Vanhukadzi vanokwanisa kusanduka vachiita vanhurume kana varume kuvaita madzimai. Pane zvandinogona zvinodarika izvi, asi hatinyanye zvedu kuwanzodaro,” vanodaro Sekuru Chiyokoto.

“Mudzimu unosvika pandiri ndiwo unonzi Chiyokoto, wakauya kuzorapa. Iwo masaramusi aya ukada kuti tizviite zvinoitwa zvinanara chaizvo pano,” inodaro n’anga iyi.

Vamwe vanoshanda nen’anga iyi vanosanganisira Christopher Karawanda (42) naMisheck Mangetani (36) avo vose vanotsinhira nyaya yemhuri inonzi yakasandurwa kuita makudo iyi kunyangwe zvazvo vachiti havakwanise kutaura zvakawanda pamusoro payo.

“Mungafambire nyaya yemakudo chete, kuti vanhu vapindurwa? Kune zvakawanda zvinodarika izvozvo. Kana muchida mumboyedzwa iyemika, muzoenda muchitaura zvamaona mupindurwe kuitwa nyoka,” anodaro Karawanda.

Vatori venhau veKwayedza vakaramba kuti vapindurwe kuitwa nyoka. Nyaya yevanhu vanonzi vakaitwa mapfeni iri pamiromo yeruzhinji kuRushinga, kumuganhu wenyika ino neyeMozambique. Sabhuku Sumburero, VaVanada Karumberere (95), vekuRushinga vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Nyaya yevanhu vakasandurwa kuitwa makudo naSekuru Chiyokoto tinoiziva, imhosva yavo nekuti vairamba kubhadhara kubatsirwa kwavainge vaitwa,” vanodaro.

VaGeorge Matimura (36), avo vanogara panzvimbo yemabhizimisi yeNyatsato, kuRushinga ikoko vanotsinhira nyaya iyi vachiti izvi zvishoma pane zvimwe zvinogonekwa nen’anga iyi.

“Sekuru Chiyokoto havaite, vanoita zvinorova. Havasi vekutamba navo uye hakuna asingavazive muno nekudivi reMozambique.

“Kune mhuri yekuTete yakauya kuno ichibatsirwa navo apo vana vavo vairohwa nezvinhu ndokuzowirirana mari nemombe semuripo apo vana ava vainge vakarapwa. Vanhu ava vakavimbisa kuzobhadhara dzimwe mombe nhatu, izvo zvavasina kuzoita munguva ingaita mwedzi yavakanga vapa. Mhuri iyi yakazoramba kubhadhara ichiti muripo wayakanzi nen’anga iyi ibhadhare wakakurisa,” vanodaro VaMatimura.

Vanoti Sekuru Chiyokoto vakazoedza kutaura nevabereki vevana asi vanhu ava vanonzi vakatuka n’anga iyi vachiti havachada kuipa mombe sezvavainge vambowirirana.

Christopher Karawanda

“N’anga iyi yakatumira vanhu katatu asi vemhuri iyi vachiramba kuuya kuzotaura naSekuru Chiyokoto avo vakazoita mhiko dzavo, vemhuri iyi vakatanga kusanduka kuita makudo — madiki nemakuru.

“Ivo voga ndivo vaizviona vari makudo apo vaisakwanisa kutaura. Vekunze vanonzi vaingoona kufamba kwavo nemakumbo mana nekukwira mumiti nepamusoro pedzimba nemumakomo. Izvi zvakaitika kwesvondo kudzimara mhuri iyi yakazonokumbira ruregerero kun’anga iyi,” vanodaro.

Vanhu ava vose vanonzi vanga vofamba nemakumbo mana sezvinoita makudo vachikwira mumiti nepamusoro pedzimba nekudya zvinhu zvimbishi.

“Vemhuri iyi vanonzi vakazotungamirirwa neimwe hama yavo iyo vasvitsa mashura aya kwaMambo Kalopola uko nyaya iyi yakasvikogadziriswa vakaripiswa mombe ina,” vanodaro VaMatimura.

Zvinonzi n’anga iyi yakazopa mhuri iyi mishonga yekudya neyekugeza, dambudziko richibva rapera.  Pane mashoko zvakare anoti n’anga iyi inokwanisa kusandura vanhukadzi kuvaita vanhurume kana kupindura varume ichivaita vakadzi. Mhuri inonzi yakasandurwa vanhu vakaitwa makudo iyi haina kuonekwa neKwayedza sezvo ichinzi iri nechemukatikati menyika yeMozambique.

Mune imwewo nyaya, makore mashoma adarika mumwe muzvinabhizimisi wepaRushinga anonzi akaenda kuna Sekuru Chiyokoto achida mushonga wekuita mari apo anonzi akasvikokanganisa mhiko iye ndokusanduka akaita shumba yakafamba nenzvimbo iyi uye anonzi akazorohwa neshamhu kuti adzoke pakuita munhu.

Vachitaura pamusoro pemashura aya, n’anga Sekuru Kamwelo Banda vemuHarare vanoti hapana chakaipa pane zvakaitwa naSekuru Chiyokoto pakusandura vanhu vachiva makudo sezvo vanhu vachifanirwa kubhadhara zvavanenge vawirirana nen’anga.

“Chiremba uyu anoshandisa mishonga inobva kumidzimu yake, kwete kuti vanhu vanoda kuita chitsotsi, izvi zvinopa vamwe chidzidzo,” vanodaro.  VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti Sekuru Chiyokoto vanofanira kutevedza mitemo yenyika yemarapiro chaiwo, kwete kuita zvinotyisa vanhu kana kuvakanganisa sezvavanonzi vakaita.

Share This:

Sponsored Links