Kushaina weHatfield Girls High akashaina

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

ZVIKORO zviri kukurudzirwa kukoshesa zvidzidzo zverurimi rwaamai seShona kana Ndebele kwete kuzvitarisira pasi sezvo zviri izvo zvinoita kuti vana vave nehunhu.
Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wechikoro cheHatfield Girls High School, Mai Mercy Kushaina, apo vakapihwa menduru yekuve shasha mukudzidzisa Shona.

Mai Kushaina vanoti vakapinda basa nechido chekudzidzisa Shona.

“Ndakadzidzisa chidzidzo cheShona kwemakore 20 kuzvikoro zvakasiyana, zvinosanganisira zviri kuMashonaland Central. Ndakazodzidzisa O-Level paSt Phillips Magwenya (kuMashonaland East) kusvika gore ra2013 ndichizobva ndichienda kunofanobata chigaro chemukuru wechikoro paHatifield Girls High,” vakadaro Mai Kushaina.

Mai Kushaina ndivo vakapihwa mubairo wekugona kudzidzisa chiShona nguva yadarika kuvana veO-Level kudunhu reMashonaland Central.

Vakakurudzira vana vechikoro kuti vafarire zvidzidzo zverurimi rwaamai.

“Izvi zvinochengetedza hunhu hwedu zvakare zvichiita kuti vana vawanikwe vachipasa chidzidzo cheShona.

Zvinobvawo zvakare muchido chevadzidzisi muzvikoro, ndiko kuti vana vafarire kunyora nekuverenga chiShona,” vakadaro Mai Kushaina.

“Vana vatiri kudzidzisa ava ndivo vachava vatungamiri vemangwana, vanofanirwa kukura vachikoshesa rurimi rwaamai uye nekuchengetedza hunhu.”

Vanoti rurimi rwaamai harufanirwe kutarisirwa pasi sezvinoitwa nevamwe vanhu.

“Vaimbi vakawanda vari kubudirira vachiimba nechiShona chatinonzwa zvakare ruzhinji ruchinzwisisa zviri munziyo dzavo.

“Nekudaro chiShona ngachiitwe muzvikoro zvose kutangira Zero Grade kusvika kuyunivhesiti. Ngatidade nerurimi rwamai,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey