Kushaya mbereko nezvikonzero zvacho

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Kushaya mbereko nezvikonzero zvacho

Kwayedza

KUSHAYA mbereko kukundikana kubata pamuviri kwenguva ingareba kusvika gore rimwe chete apo vanhu vanenge vachipinda munyaya dzepabonde pasina nzira dzekurera mhuri dzavanenge vachishandisa panguva iyi.

Kushaya mbereko kunogona kuitika kwenguva diki asi dzimwe dzenguva kunogona kutora makore kana zveupenyu hwose.

Kune kutadza kubata pamuviri kunogona kuitika kuvanhu vakamboita mumwe mwana kumashure uko kunodaidzwa pachiRungu kuti “secondary infertility”.

“Primary infertility” inoreva kukundikana kubata pamuviri kwegore rose zvisinei nekuti vanhu vanenge vachiita bonde risina dziviriro.

MuZimbabwe, vanhu vazhinji vanokoshesa vana kunyanya nokudaro kukundikana kubata pamuviri kunorwadza pamwe nekushungurudza mhuri zhinji.

Zvakakosha kuziva kuti haisi mhosva yemunhu kukundikana kubata pamuviri nokudaro hapanafire kuva nekuny’ombana kana rusarura kuvanhu vanenge vasangana nedambudziko iri.

Zvinokonzera

kusabata pamuviri:

Zvakakosha kuti vanhu vazive kuti kuti pamuviri pabate zvinoda mushandirapamwe wevanhu vaviri, naizvozvo havafanire kushorana nekuti panogona kunge pasina anoziva kuti dambudziko iri riri kubva kuna ani.

Kuvarume, mbeu dzababa dzinogona kudaro dzisina kumira zvakanaka kana kuti dziri shoma zvakanyanya izvo zvinoita kuti dzikundikane kukodza zai raamai kuti riumbe mwana.

Zvimwe zvezvinhu zvinokanganisa chimiro chakanaka chembeu dzababa zvinosanganisira kupisa kwakanyanya kwezvipfeko zvemukati, kupfeka zvemukati zvinonyanya kubata, kukuvara kunogona kudaro kwakaitika kusikarudzi yababa kana kuti kweduriro rinova rinochengetedza mbeu idzi, kutora zvinodhaka sedoro nefodya kwakanyanya kana kurwara.

Zvimwe zvezvinhu zvakadai zvinogona kuita kuti munhu akundikane kuita mwana zvachose asi zvimwe zvacho zvinogadzirisika kuburikidza nekusandura nzira dzekurarama dzinoita kuti utano hunge kuchisimukira.

Utachiona kana hukapinda kuduriro zvinogona kuita kuti munhurume akukandikane kuita mbereko.

Vamwe varume kana vakadzi vanogona kuzvarwa vasina mbereko.

Kuvharika kwenzira inofambisa mbeu dzababa uko kunowanzokonzerwa nezvirwere zvepabonde

Kukundikana kutirimuka kwesikarudzi panguva yebonde uko kunogona kudaro kuchikonzerwa nekusagadzikana kwepfungwa, kuneta kana kutora kunenge kuchiita munhu mimwe mishonga iyo inoshaiyisa simba.

Kukundikana kuburitsa mbeu kubva muduriro panguva yebonde kuti inge ichienda kuna amai.

Kumadzimai

zvinokonzerwa nei?

Kukundikana kuburitsa zai kubva muchibereko (ovaries) izvo zvinogona kunge zvichikonzerwa nekusaenzanirana kwemahomoni.

Kuvharika kwenzira yechibereko uko kunogona kudaro kwakakonzerwa nezvirwere zvepabonde, kubvisa pamuviri kana kuti kubva kwepamuviri nezvimwe zvirwere zvinenge zvaita nguva ndefu zvisina kurapwa.

Share This:

Sponsored Links