Kutama College: Dzidzo nebudiriro

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Kutama College: Dzidzo nebudiriro

Kwayedza

ZIMBABWE ndiyo nyika iri pamusoro-soro panyaya dzedzidzo kana kuti ye“literacy rate” muAfrica yose. Zvirango zvoupfumi zvisiri pamutemo zvakatemerwa nyika makore 15 apfuura zvashaya basa kana tasvika panyaya yedzidzo. Tiri kungofambira mberi bedzi nekuti chekumirira hapana!

Hongu, vanhu vazhinji vari kutatarika kuwana mari dzokuendesa vana kuzvikoro, asi kuri kungodzidzwa zvakangodaro. Mumadhorobha, dzimwe dzimba dzakawanda, kusanganisira machechi, zvave zvikoro.
Nzara nenyota yedzidzo haisi kupera. Vari kutsvagei mudzidzo?

Makare kare vanhu vaidzidza nokuti dzidzo ndiyo yaive mukana wokuwana mabasa, asi iye zvino vamwe vachiti zvakasunga, mabasa ari kushaikwa vanhu vanoramba vachida kudzidza chete. Pamusana pei?

Zvikonzero zvakawanda, asi maonero aMukwende ndeokuti mutungamiri wenyika President Mugabe vaita chiedza chavhenekera nyika kuti vanhu vade kudzidza sezvavari kuita.

Hazvisi zvamakuhwa zvokuti vakadya mabhi-i, zvokuadya zviye. Chaitawo kuti vatore mukombe ndechokuti vamwe vavo muZanu-PF unonzwa vachinzi vakambonodzidza kuBritain, United States of America, Russia neChina. Vamwe vakatoshanda mumatunhu iwayo.

Asi President Mugabe vakaenda kuzvikoro zvomuno muAfrica, vakashandawo semudzidzisi muno muAfrica makare, kusanganisira kuSouth Africa, Zambia neGhana.

Hautongi Zimbabwe usingazive zveZimbabwe, uyewo hautungamirire Africa usingazive zveAfrica yacho. Iwoyu muenzaniso wakavhura nzira.
Musi wa21 Kukadzi vanhu vakapembererera kusvitsa kwavo makore 91 okuzvarwa. Asi mumasvondo maviri ari kutevera, chikoro cheKutama College, kunovewo zvakare kuchikoro kwakadzidzwa naPresident Mugabe, chinenge chichipemberera makore 100 chatanga mabasa edzidzo.

Kwemakore zana, chikoro chaburitsa vatungamiri vechirume vakasiyana-siyana munyika.
Kutama nezvimwe zvikoro zvakaita seSt Augustine Mission, Dadaya, Tegwani, Chikore, Hartzell ndizvo zvine hwaro hwapawo vana veZimbabwe nzara nenyota yedzidzo yavainayo nhasi uno.

Zvikoro zvose izvi zvakanga zviri pasi pamamishinari. Zvakakwanisa nguva iyoyo, nanhasi zviri kungotora mikombe munyaya yedzidzo.
Hurumende yakazotangawo kuvaka zvikoro asi mamishinari akange ari pamberi, uyewo vaipa dzidzo yaiita kuti munhu abve pachikoro akaurungana – achiziva zvemabhuku uyewo zvokubata mabasa amawoko.

Tikatsvaga nhororoondo yokuvakwa kwezvikoro izvi tichaona kuti vamwe vakatanga vari pasi pemiti, vakazopinda mutudzimba twouswa kusvika kwatanga kuvakwa zvikoro zvinoonekera. Zvinhu zvose zvaiitirwa pachikoro ipapo. Kana mabhenji nemadhesiki okugararira nokunyorera zvaivezerwa pachikoro; kusanganisira zvokudya zvairimwa pachikoro.

Unozonzwawo kuti fundo payakange yave kupararira, mamisheni mamwe chete iwaya akavamba zvikoro zvedzidzo yepasi zvakange zviri pasi pemachechi azvo.

Zvikoro izvi zvakavakwa nevanhu vemunzvimbo nokuti chinangwa chaive chebudiriro. Munhu hawairamba kunokanya zvidhinha nokuti hauna mwana ari pachikoro ipapo. Mushandirapamwe uyu wakabatsira zvikuru kuti vanhu vakoshese dzidzo.

Tobvunza kuti nhasi uno zvimwe zvikoro zvazvave kupembera makore 100 tingati tayaruka here senyika pamusana pedzidzo iyoyi? Tave nevanhu vane unyanzvi noruzivo rwokusimudza nyika pasina kutarisira vokune dzimwe nyika here?

Kushaikwa kwemvura; makomba ari mumigwagwa yedu anoratidza vanhu vadzidza vaine pfungwa yebudiriro here? Ko marara nemaziuswa munzvimbo dzisakafanira? Vamwe vanhu mumadhorobha nemumaruwa vari kuvaka pose pose. Zvinoratidza dzidzo ine budiriro here?

Huori huri kunzi hwave pose pose. Zviri kureva kuti dzidzo haina basa here kana vanhu vachifunga kuti vanowana pundutso nekuita huori?
Tichibatana mumhemberero yeKutama College, ngatizvibvunzewo kuti hundingoveni nemazvake-mazvake azara muvanhu ndizvo zvinoreva dzidzo here. Tiri kudzidza hongu, asi nyika iri kubudirira here nedzidzo iyi?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>