Kutapira kunoita hove

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Kutapira kunoita hove

Kwayedza

MABIKIRO:

Pisa mafuta mupoto/mupani kana uchida kudziomesa.

Isa hove wodzifuraya uchipindura-pindura zvakanaka kuti dzisadimbuke. Kana dzichinge dzatsvukira, dzibure woisa masipaisi zvichienderana nezvamunofarira.

Kana dziri hove nyoro, dzifashaidze dakara dzatsvukira wozoisa hanyanisi, matomatisi, munyu nemafuta akaringana zvokwata.

Kana dzichinge dzaibva dzinoonekwa nemuto unenge wakakorera.

DZINODYIWA NEI?

Hove dzinodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana mupunga une dovi. Dzimwewo hove dzinenge dzakaomeswa zvakanyanya dzinogona kudyiwa dzakadaro sezvinongoitwa nyama yechimukuyu.

Share This:

Sponsored Links