Kutapira kunoita keke

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Kutapira kunoita keke

Kwayedza

VANHU vazhinji vanodhurirwa nekutenga makeke, zvikuru apo vanoronga kuita mabiko akaita seeKirisimasi, mhemberero dzeGoredzva, mabhavhadhe kana michato.

Svondo rino Mai Bester Murwisi vekuKwekwe vanodonongodza pamusoro pemabikirwo ekeke ari nyore.

Zvinodiwa:

1/2 komichi yemajarini, 1/2 komichi yeshuga, 1/4 komichi yecake flour, mazai matau

1/2 chupunu chemunyu, 1/2 chipunu chebaking powder, 1/4 chipunu chevanilla ne1/4 komichi yemukaka

Wozodii?

Gara wabatidza hovhoni kuti inge ichipisa zvekusvika pa350 degrees.

Tora pani yakachena woizorera majarini.

Mwaya twufurawa twushoma pamusoro pemajarini awazora mupani.

Sanganisa 1/2 yekomichi yemajarini ne1/2 komichi yeshuga uchikurunga zvakasimba.

Chidira izvi mufurawa wodira muto wemazai matatu, munyu, vanilla, mukaka nebaking powder.

Sanganisa nemuchina kana mugoti kusvika zvanyatsosangana.

Chiisa mupani wogadzika muhovhoni kwemaminitsi gumi nemashanu.

Kana keke richinge raibva, rinoonekwa nekutsvukira kuita ruvara rwegoridhe.

Unogona kutora kamuti kakachena wobaya pakati pekeke uye kana kakabuda kasina kunamira furawa, zvinoreva kuti rinenge raibva zvakanaka mukati nekunze.

Bura keke asi usaribvise mupani risati rapora sezvo rinogona kudimbuka-dimbuka.

Unogona kuisa kirimu yemhando yaunoda pamusoro pekeke.

Kana zvadai, chizviruma hako rurimi nekunakirwa nemhuri!

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links