Uncategorized

Kutapira kunoita Zimbabwe l ‘Muno mune runyararo’ l ‘Zvipatara zviri tii’ l ‘President vedu vakafunda’ l ‘Ivhu takatora’

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Kutapira kunoita Zimbabwe l ‘Muno mune runyararo’  l ‘Zvipatara zviri tii’  l ‘President vedu vakafunda’  l ‘Ivhu takatora’ HIND Siam

Kwayedza

HIND Siam

HIND Siam

Muchaneta Chimuka, Malvern Mugadzikwa naKingstone Mapupu
RUZHINJI rweZimbabwe rwunoti rwunofara kuve munyika yakasununguka uye ine runyararo sezvo izvi zvichipa mukana webudiriro munyika munyaya dzeupfumi nezvimwe zvikamu zvakasiyana.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vakapa pfungwa dzavo zvichitevera kusvitsa kwaita nyika ino makore 35 yawana rusununguko kubva kuhutongi hwehudzvanyiriri hwemabhunu.

VaNorest Mandizha (38) vekuChitungwiza vanoti vanofara zvikuru nedanho rakatorwa neHurumende rekudzosera ivhu kuvatema.

“Tisati tawana kuzvitonga kuzere, munhu mutema akange ari murombo wekupedzisira nekuti akange asina munda. Minda mizhinji yakange iri yevachena avo vaishandisa vatema senhapwa.

“Kuburikidza nerusukunguko rwatakawana mugore ra1980 kusvika nhasi uno tichitongwa zvekare nemunhu mutema, tinofara kuti ivhu rave mumawoko evatema. Pamusoro peivhu iri ndipo patiri kuitira mabhizimusi edu ekurima, kutengesa, kuvaka zvikoro, zvipatara nezvimwe zviri kumutsira vechidiki mabasa,” vakadaro VaMandizha.

Lazarus Sauti (28) wekuTafara, muHarare, anofadzwa nedanho rakatorwa neHurumende rekusimudzira dzidzo munyika izvo zvaita kuti Zimbabwe ive pamusoro muAfrica panyaya yekuve nevanhu vanogona kunyora nekuverenga.

“Kubvira 1980 patakawana rusununguko, dzidzo yeZimbabwe yakaramba iri pamberi, tiri pachikamu che96% muAfrica. Saka tinotenda chirongwa cheHurumende cheEducation for All, chekuti mwana wose awane mukana wedzidzo. Kunze kweizvi, tine zvicherwa zvakatekeshera nenyika zvinovawo zvave kufambiswa nevanhu vatema zvichibatsira mubudiriro yenyika,” akadaro.

Anoti chimwe chakakosha muZimbabwe runyararo.

“Kune dzimwe nyika dzakaita sanaEgypt neIsrael tinogara tichiona pamaterevhizheni vanhu vachirwisana uye vamwe vachotorambidzwa kuita zvinamato zvavo asi muZimbabwe runyararo rwuri ti-i. Hongu tinogona kugozherwa neupenyu sevanhu vari munyika ichiri kubudirira, asi runyararo itori budiriro huru nekuti mukurwisana ndimo munobva kuparara kwemahindasitiri,” akadaro Sauti.

Courage Ndandimu (22) wekuOld Highfield, muHarare zvekare, anoti nyika ino yakasununguka zvikuru iye yakaropafadzwa.

“Zimbabwe inyika yakaropafadzwa naMwari nekuti yakagona kuramba yakamira nemutungamiriri mumwe chete anounza runyararo uye akadzidza. Tinongochema hedu kuti kudai vechidiki vawaniswa mabasa nekuti vazhinji vacho vari kuita madhigirii vopedzisira vave kugara nawo kudzimba. Saka mahindasitiri emuZimbabwe ngaasimudzirwe kuti azarurire mikana kune vechidiki,” anodaro Nyandimu.

Hind Siam (19), chizvarwa chekuIndia asi achigara muHarare, anopembedzawo budiriro yenyika ino.

Anoti: “Ndinofara kuti nyika ino ine mitemo inorwira kodzero dzevanhu zvakaenzana zvinova zvinounza runyararo. Mapurisa ari kuita basa guru rekurwisa nyaya dzehuwori idzo dzakange dzave kudonhedza makambani akasiyana, zvizhinji zvacho zvichitobuda pachena mumapepanhau. Dambudziko rasara ndere zvifambiso izvo tinokumbira kuti zvive zvakawanda kuitira kuti zvinge zvichireruka kuvashandi.”

Tinashe Waisva (22) wekuChitungwiza akatsinhira achiti kudai Hurumende nemasangano akazvimirira varamba vaine moyo wekusimudzira upenyu hwevanhu munyaya dzeutano nekuvawanisa mvura yakachena yekushandisa.

“Nzvimbo zhinji, kusanganisira Chitungwiza neHarare, dzakambenge dziine dambudziko remvura izvo zvakange zvave kumutsa zvirwere zvemanyoka sekorera. Asi kuburikidza nemushandirapamwe weHurumende nemamwe masangano akazvimira, nzvimbo idzi, kusanganisira kumaruwa chaiko, kwave nezvibhorani, zvimbuzi nezvipatara zvemhando yepamusoro,” akadaro Waisva.

VaTito Nyamweda (37) vekuGlen View, muguta reHarare, vanoti vanotendawo nekugoverwa kwakaitwa ivhu kune veruzhinji.

“Ivhu ndiwo musimboti weupenyu. Saka tinotenda Cde Mugabe nedanho ravakatora tichifara zvekare kutongwa nemunhu ane ganda dema rakafanana neredu,” vakadaro.

Mai Talent Mahachi (22) avo vanotengesa kumusika weSiyaso, kuMbare, vanoti vanofarira rusununguko rwenyika ino urwo rwunoita kuti munhu wose akwanise kuzviitira mabasa ake akasununguka achiwana chouviri.

“Ndinofara zvikuru nekuti kudai kusina runyararo dzimwe dzenguva ndingadai ndisiri mupenyu, ndisingategesi sezvandiri kuita izvi nekuti zvinhu zvinenge zvichingotorwa nevanhu. Ini ndakakwanisa kutenga motokari yangu mwedzi wadarika, yerudzi rweMazda Demio, uye ndave nesitendi kuEpworth,” vakadaro.

VaAllan Mutumwa (33) vekuChitungwiza vakatiwo upenyu huri kuendeka sezvo vakakwanisawo kutenga sitendi yekuvakisa imba kuEastville muHarare .

Mai Promise Vanyu vekuGlen Norah vanoti vanofara kuve muZimbabwe yakasununguka sezvo vakakwanisa kutenga mombe nekuvakira amai vavo, Tsitsi Madziyanike, imba kudhorobha reMasvingo.

“Munyika ine runyararo tine mikana yekuita zvinhu zvinotipa mari takasununguka. Kana ndikati nyika ino yakaoma ndinenge ndichitotuka Mwari nekuti ndakaitirwa zvakawanda ini zvekuti kana ‘stress’ handina. Ndakatenga mombe, ndikavakisira amai vangu imba kuMasvingo saka chekushora hapana,” vakadaro.

VaMaxwell Dhiriza (26) vekuSiya-So kuMagaba, muHarare, avo vanogadzira waya nekutengesa masimbi, vanoti basa rose ravanoita iri zvakaunzwa nerusununguko.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaKnowledge Makuwaza (35) vepanzvimbo imwe chete iyi vachiti vasvitsa makore 12 vachitengesa zvinhu zvakasiyana.

Vanoti vakakwanisa kuroora mukadzi kuburikidza nebasa iri pamwe nekuita zvimwe zvakawanda.

VaMark Maphosa (33) avo vanotengesawo masimbi vanoti kudai Hurumende ichivawanisawo zvikwereti zvekuti vasimudzire mabhindauko avo.

Blessed Mekani Maposa, uyo akaberekerwa kuKadoma mugore ra1979, anoti anofarira zvikuru mhemberero dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

“Mhemberero idzi dzakandikoshera nekuti nyika yakawana kuzvitonga kuzere apo ndakanga ndichangozvarwa. Rusununguko rwakauya nezvinhu zvakawanda izvo zvatichiri kuwana nanhasi. Takakwanisawo kuenda kuzvikoro mahara sevanhu vatema izvo zvakanga zvichinetsa nyika isati yasununguka. Tainzwa kuti vanhu vaidzvanyirirwa vechitema vasingawani dzidzo yakakwana seyevaRungu.

“Rusununguko rwakaita kuti tikwanise kuenda kuchikoro pasina kudzvanyirirwa uku. Pari zvino tava kukwanisa kuzviitira mabhizimisi toga. Ndinotovawo nekabhizimisi kangu kandiri kuita ndichishandirwawo nevamwe vanhu zvinova zvinhu zvandinopemberera,” akadaro.

Sophy Kanongota uyo akaberekwa mugore ra1980 kuZvishavane anoti anofara nemhemberero dzerusununguko sezvo ririro gore raakaberekwa.

“Ndinonzwa kufara sezvo ndakaberekwa gore rakawana nyika rusununguko. Kare vanhu vatema tainzwa kuti vaisatenderwa chero kuonekwa vakabata doro, rechiRungu rainwiwa nevachena bedzi asi rusununguko rwakaita kuti tive vanhu vakasununguka. Tava kukwanisawo kuwaniswa minda isu vechidiki asi kare zvakange zvisiko. Ndinongoti kuruzhinji rweZimbabwe ngatipembererei tose uye ngatishandisei rusununguko rwatakawana urwu nenzira dzakanaka pamwe chete nekuchengetedza nyika yedu zvakanaka,” akadaro.

 

Share This:

Sponsored Links