Kutenderera musoro saShinsoman

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
Kutenderera musoro saShinsoman

Kwayedza

MURI kumboonawo here zvandiri kuona. Kwave nevafundisi vanoparidza shoko zvekuti unotenderera musoro saShinsoman kuti tende-tende chaiko. Asi shoko ravari kuparidza rakavhengana zvekuti pakuriteerera, unoda kutobatsirwa naMwari kuti usagamuchire zvimwe zvezvinhu zvavanotaura nekuti zvinopesana neshoko raMwari.

Mumwe mufundisi akanzi nemumwe munhu, “Mufundisi paridzai vhangeri rinoendesa vanhu kudenga, kwete vhangeri renyu rekupfuma nekuwana mari, mota, dzimba, hembe nezvimwe.”

Mufundisi vakabva vati, “Shamwari, Jesu handimude kana asingandipe zvinhu. Ndinofanirwa kudhiraivha mota mbishi pano panyika nekuti kudenga hakuna mota. Ndinofanirwa kunakirwa pano pasi nekuti ndizvo zvandakasikirwa kuti ndive pano pasi.”

Maonero anosiyana mufundisi. Zvinhu zvamuri kukurudzira vanhu kuti vatsvage vari kuzvitsvaga nenzira ipi? Mateu 6:33 haitaure here kuti vanhu vatsvage hushe hwaMwari nekururama kutanga?

Munozviziva here kuti vanhu vamuri kuparidzira shoko irori rekuwana zvinhu kubva kuna Jesu havana hukama naJesu wacho. Vanomuziva, asi havamuzive.

Ndinotya kuti muchaita kuti vanhu vafunge kuti denga riri pano pasi, asi iro shoko raMwari richiti, “Musafunga zviri panyika pasi, asi fungai zviri kumusoro kudenga.”

Nyika yatigere iri muruoko rwewakaipa. Kana tichida nyika munozviziva mufundisi kuti rudo rwaMwari harusi matiri.

Kana mukataurira vanhu kuti kudenga hakuna mota, iko kudenga kuri iko kunogara Mwari akapa munhu pfungwa dzekugona kugadzira mota – hakuna here zvakanaka kudarika zviri pano pasi? Mufundisi, kudenga ndekwaMwari uye hakupinde chakaipa.

Kana mukaparidza kuti titsvage kupfuma isu tisina hukama naMwari zivai kuti mave kutipa vamwe ana mwari vasiri Mwari wedu chaiye. Izvozvo Mwari vakazviramba pavakatanga kutaura nevana veIsiraeri vachiti, “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubvisa munyika yeIjipiti muimba yeuranda. Usava nevamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wakavezwa, ungava wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura pasi penyika.”

Mufundisi, kune vanhu vakaunganidza pfuma zhinji panyika asi haina kuvapa rugare. Kune vanhu vakaunganidza zvinhu zvinonzi nenyika ino hupfumi, asi hupfumi ihwohwo hwakavapesanisa naMwari.

Mambo Solomon nehupfumi hwavo vakanyora kuti, “Saka ndakavenga hupenyu . . . nekuti zvese hazvina mature, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.” Jesu aive Mwari panyika, asi haana kugara mumuzinda kana kufamba nemabhiza. Chiregai kutuka vanhu vari pachokwadi, kana kumanikidza vanhu kuti vatsvage mota nemari nedzimba, nekuti izvozvo hazvisi hupenyu. Kudenga kunoshanda nenguva kwete nemunyati kana pressure. Mwari ndiye anoshandura mwaka nenguva.

Mufundisi, kuva nepfuma hakuna kuipa, asi kana kutsvaga pfuma kwave kukosha kudarika kuziva Jesu, neniwo ndinoti garai zvenyu nevhangeri renyu.

Ndinoziva kuti kune vanhu vaive varombo muBhaibheri vakapfuma nekutenda. Ndinoziva kuti Jesu akaramba hushe hwenyika ino nekubwinya kwaho paakanzi naSatani – zvese izvi zvinogona kuve zvako kana ukapfugama ukandinamata.

Mufundisi, pfuma yakatsamira piro yekuzvikudza nekufunga kuti mari yako inokuitira zvese. Mufundisi, ipai vanhu hwaro hwekuti vasatorerwe nhaka yavo nenyika ino.

Taurai shoko rinopa hupenyu – kwete hwemota nemasutu, asi hupenyu husingaperi. Itai kuti “vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira nerokuvaka muviri waKristu . . . kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizungunuswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera.”

Share This:

Sponsored Links