Kutevera chitunha mugomba

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Kutevera chitunha mugomba GUVA raMagarate Ndlovu

Kwayedza

KUOMA kwehupenyu muZimbabwe ave mazino embwa chaiwo! Dhora harisi kubatika zvekuti nyangwe ukakweretesa munhu dhora chairo haachadzosa. Pane muzukuru wangu akabirwa mari yake yese yepay nemunin’ina wake, mwana wamai vake. Aba mari yemukoma kudaro, akanoidya yese zvekuti hapana chakasara, kana faifi randi zvayo.

Hunhu hwedu huri kubvaruka semvemve zvekuti takadongorera muguva, asi chatisiri kuziva ndechekuti mutumbi uri mubhokisi riri mugomba, mutumbi wedu. Tafanana nenhunzi inoshaya anoinyevera kuti izive kuti kutevera chitunha zvekunopinda nacho muguva ingozi nekuti uchafutsirwa pamwe chete nechitunha chawatevera, ukarova.

Vanhu vazhinji vandinotaura navo vari kundiudza kuti maKristu. Asi hupenyu hwavari kurarama hausi hwechiKristu. Vanhu vazhinji vari kumhanyira kumachechi – vamwe kunotsvaga mikana yekuita mari, vamwe kunotsvaga kuropafadzwa kuti vawane mari, mabasa, mota nezvimwe zvinhu zvinoita kuti vanzi vapfumi. Asi ine nhamo senhunzi, mombe isina muswe.

Nesuwo tine nhamo kana tichiti tiri vanhu vaMwari asi isu tisingazive kuti Mwari ndiani. Tine nhamo nekuti tiri kutsvaga kuti tive vanhu vane pfuma zhinji, asi chokwadi chiripo ndechekuti kana tave nepfuma zhinji, Mwari vanobva vashaya nzvimbo muhupenyu hwedu. Pfuma yedu, nezvinhu zvese zvinoita kuti titaurwe nekuverengwa panoverengwa vanhu vakapfuma ndizvo zvinobva zvave Mwari wedu.

Bhaibheri rinotikurudzira kuti titsvage Mwari. Kana ukanyatsozvitarisa, uchaona kuti takawanda tinotaura kuti tiri maKristu, asi huKristu hwedu ndehwekushandisa Mwari nechechi, neshoko rake kuti zvedu zviite.

Tinofanirwa kuti titsvage Mwari tovawana uye tigovaziva. Tinogona kunge tichiziva Mwari nekuti takanzwa nezvake uye tinoenda kuchechi, asi kuenda kuchechi nekuziva Mwari zvinhu zvakasiyana sekusiyana kwakaita sadza nemavhu.

Handisati ndaverenga Mwari pavanoti titsvage mari zhinji, mota, hembe, zvekudya nedzimba dzakawanda kuti tirarame kana kuti zvitifayire.

Ndinotya mashoko aJesu ekuti pane pfuma yako ndipo pachagara paine mwoyo wako. Kuziva kwedu Mwari ngakuonekwe mumararamiro edu emazuva ese, pamwe chete nemukufanana kwedu naJesu. Kuziva Mwari kwekungotevedzera vamwe vari kutsvaga mari neminana kunourayisa.

Kana ukaverenga muBhaibheri kubhuku raAmosi 5 uchaona kuti muporofita anotaura kanokwana kashanu kuti vanhu vatsvage Mwari. Kufanana nemuno muZimbabwe, haasi kuti vanhu havazive kuti Mwari ndiani, asi ari kuti kana dai Mwari aivanyoresa vanhu bvunzo yekuti vamuudze kuti ndiye ani, vaiwanikwa vasingamuzive, nekuti vanofunga kuti ndiFather Christmas. Ndicho chikonzero chinoita kuti Amosi awedzere mashoko ekuti, mutsvagei kuti murarame.

Iyi ndiyo nyaya yakanga ichisimbiswa naJesu paakataura kuti kumuziva ndihwo hupenyu husingaperi. Saka tinogona kuziva Jesu, asi zvisingatipe kana kutisvitsa kuhupenyu husingaperi. Kana tikasvika pakurega kutsvaga Mwari, tinenge tave nepfungwa dzekuti takamuwana kare saka hapasisina chikonzero chekumutsvaga.

Kana tikarega kutsvaga Mwari, tinenge tafanana nevazhinji vakaroorana. Rudo rwavakanga vachiratidzana mazuva avakatanga kudanana rwunopedzisira rwapora pavanozoroorana nekugara vese semurume nemukadzi.

Nguva zhinji, mukadzi anenge asisawane mazirudo aye anotenderedza musoro. Murume anenge ave nepfungwa yekuti ndakakuwana, wave mumba saka hapasisina chikonzero chekuti ndikuratidze rudo.

Asi izvozvo ndizvo zvinoita kuti rudo rwevazhinji rupinde makonye anoita kuti zvanga zvakanaka zviore. Ndipo panowanikwa mikana nembavha dzerudo kana dzichinge dzaona kuti murume uyu kana mukadzi uyu haasi kunyatsodiwa nekukosheswa nemudiwa wake.

Share This:

Sponsored Links