Kuti handina kugadzirwa ini?

23 Apr, 2015 - 14:04 0 Views

Kwayedza

MAKASIMBA here tete? Ndiri murume ane makore 44 ekuberekwa. Ndine mukadzi nevana vashanu. Ndinogara kuimba yedu muguta nemhuri yangu uye ndakabuda basa. Mudzimai wangu anobuda kunze kwenyika kunotsvaga mari kuti tirarame.

Dambudziko rangu nderekuti handina chandichagona kutaura semunhu ari kuchengetwa nemudzimai uyu. Asi chinondinetsa ndechekuti pese paanobuda kunze kwenyika, nechinonzi murume pandiri chinobva chabudawo kusvika adzoke.

Kana akanogara mwedzi ariko nekwandiri kunenge kwakangotonhorawo. Achingodzoka ndinobva ndaitawo murume kwaye.

Ndinofunga kuti ndakagadzirwa nemukadzi wango nechinangwa chekuti kana asipi ini ndishaye basa semurume. Ko akazofa ndinoita sei? Zvinoreva kuti handichagona kusangana nemumwe mukadzi here? Iyi imhiko chaiyo, ndibatsireiwo tete.

Phineas Mtandagai.
Harare.

MHINDURO:
Dambudziko rako rinorwadza muzukuru. Nekuti kazhinji murume kana asisashande zvinhu zvose zvinooma. Kana mudzimai wako kwaanoenda ikoko asina misikanzwa yaari kuita, anenge akakusungira pakuti pamwe unozosara uchitsvaga mamwe madzimai sezvo achinogarisa ari kunze kwenyika.

Iwewe muzukuzu unenge une misikanzwa iwe. Wakazviziva sei kuti kana mudzimai wako asipo haukwanise kuwana zvaunoita semurume? Mukadzi ari kunoshava mari yekuti mushandise mumba nevana iwe wava kunotsvaga pfambi.

Pazera rako muzuku imbozama kuramba uchitsvaga basa, uchiri kure nezera remudyandigere. Kana kuti mumwe musi imboendaiwo mese kunze uku umboonawo zvavanenge wachiita nekuti kune varume vanotoitawo basa iri.

Kubuda basa hazvirevi kuti ndiko kuguma kweupenyu, zvakawanda zvekuita kunze uku muzukuru.

Usabva wangomirira mudzimai wako pane zvose, tsvagawo zvimwe zvekuita. Ukaramba ugere pamba uchapedzisira wava kutizve wakadyiswa. Dzikama usaita zvemamwe madzimai nekuti kunze uko kwaipa, kwava nezvirwere.

Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey