Kuti ndawanza sauti here?

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Kuti ndawanza sauti here?

Kwayedza

saltIgnatius Mabasa
KUNE vanhu vane shungu dzinotyisa. Vanhu vasingazorore kusvika vawana zvavari kuda kana kuti zvavari kutsvaga. Ndine mumwe muzukuru wangu akazofa neAids aiti, “Sekuru ini kana ndine mukadzi wandada, hazvinei kuti mukadzi wemunhu here kana kuti kwete, anotopedzisira abvuma zvandinenge ndichida.”

Handizive kuti mashoko ake aya aisimbiswa nemishonga here kana kuti nedhimoni rehupombwe. Asi, tiriko vanhu vazhinji vakafanana nemuzukuru wangu uyu. Tinogona kuzongosiyana naye parudzi rwezvatinoti handizorore kusvika ndazviwana.

Kunze kwemari, zvii zviri kutsvagwa nevanhu mazuva ano? Vanhu vari kutsvaga wekuroora kana wekuroorwa naye – ndiko kutsvaga rudoka uku. Vamwe vari kutsvaga simba – ndiko kuda kutongaka uku. Vamwe vari kutsvaga anovarumbidza, anovaudza kuti “hauite, hauite . . .” Vamwewo ndivo vari kutsvaga kunzwa zvimwe zvinhu munyama dzavo – kungave kudhakwa, kunakirwa, kufadzwa nezvimwewo zvakadaro.

Hapana kana chakaipa pakutsvaga zvinhu izvi, asi mukuzvitsvaga, munhu anotanga kubatwa nemweya wekuti zvinhu izvozvo zvimutongezve kuti zvinhu izvozvo zvinopedzisira zvangove ndicho chega chinhu chine basa muhupenyu hwake.

Kana ukazvicherechedza, hupenyu hwemunhu ari kutsvaga chimwe chinhu nemwoyo wake wese hunodzima zvimwe zvinhu zvese muhupenyu hwake. Kana kuda kwake chinhu chaari kutsvaga kukamubata, anopedzisira ave kutopinda mune zvimwe zvivi kuti awane chaari kutsvaga ichocho.  Munhu anopedzisira ave kunyepa, kuba, kutiza mukadzi nevana kumba.

Mweya wekutsvaga chaari kuda kuwana uyu unopedzisira watora nzvimbo yaMwari muhupenyu hwake zvekuti hukama hwake naMwari chaiye hunopedzisira hwapwa kunge tsime.

Ndinonetseka nemweya wave kuparidza mumachechi – mweya wekutsvaga mari nezvinhu, kudarika kutsvaga Mwari. Tinogona kusazviona kuti, kufanana nezvakaita Martha naMaria, pavakashanyirwanaJesu, zvinonzi Jesu akapinda mumba mavo. Kupinda kwaJesu mumba mavo, kunomirira kupinda kwaJesu muhupenyu hwemunhu. Jesu anopinda muhupenyu hwemunhu, asi tarisiro yaJesu paanopinda muhupenyu hwemunhu ndeyekuti munhu asarambe achiita zvaanga ari kare. Zviri pachena kuti Martha yaive shasha yekubika nekuita kuti vaenzi vafare, asi panguva yakapinda Jesu mumba make, ane chinhu chaasina kuona, asi chakaonekwa naMaria. Maria akaona pamwe chete nekunzwa kuti munhu apinda mumba medu uyu haasi munhu wemazuva ese. Haana kuuya kuzodya, kana kuzopasisa Martha kuti ishasha yekubika.

Maria akazviziva kuti chiitiko chaitika ichi, chekuti musiki wedenga nenyika anouya mumba menyu, chinokunda kudya kana zvimwe zvinhu zvine basa muhupenyu hwedu mazuva ese. Maria akagara pasi nechepaive netsoka dzaJesu, kureva kuti aida kuve pedyo, uye kuti asatadze kunzwa pamwe chete nekuwana zodzo inobva kuna Ishe Jesu. Martha, aive kure, uye anogona kunge akanga achinetseka kuti ndawanza sauti here kana kuti ndagona kubika here? Asi chaakanga achikanganwa ndechekuti musiki akanga auya mumba mavo. Musiki anoti, “nyika nezvese zviri mairi ndezvangu.”

Saka nesuwo patinoenda kumachechi tichitsvaga kuporeswa, tichitsvaga mari kana kuroorwa, ngatichenjere kuti kana kuda kwedu kuporeswa kana mari kukakura kudarika kuzviisa kwedu pasi paMwari nezvaanotarisira kuti tirarame tichiita, tinenge takwira kombi isina kwairi kuenda. Tikatanga kubatsira Mwari, hunhu hwedu hwenyama huchapindira nenzira dzinotitadzisa.

Mwari vanoti, “Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina, kana anochiva nekunamata zvifananidzo, angadye nhaka muhushe hwaKristu nehwaMwari.” Mwoyo wako unonanzvira chii?

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey