Kutsigira ramangwana risina chirwere cheHIV

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Kutsigira ramangwana risina chirwere cheHIV

Kwayedza

Catherine Murombedzi
MUKURANGARIRA vose vakatisiya nekuda kwedenda reHIV/AIDS, sangano repasi rose revanhu vanorarama neutachiona hweHIV rinonzi Global Network of People Living with HIV (GNP+) rakazivisa kuti dindingira regore rino rinoti: ‘Kutsigira ramangwana’ muchirungu ‘Supporting the future’.

Zuva iri richarangarirwa musi wa17 Chivabvu apo vanhu vanotungidza mwenje kurangarira hama neshamwari dzakavasiya.

Pasi rose rinozenge richishandisa dindingira iri uye izvi zvakatangwa mugore ra1983 nevanhu vairarama neutachiona hweHIV/Aids kuAmerica. Suzette Moses-Burton, Executive Director weGNP+, akati vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vanofanira kubatana vachiyeuchidza hurumende dzavo kuti dzipe mari yakakwana yekutenga mishonga yemaARV, vanorarama neutachiona vapiwe chiremera chakakwana uye kuti vave nechekuita neupenyu hwavo.

“Sevanhu vanorarama neutachiona hweHIV tinofanira kuve nesungano, toyeuchidza hurumende dzedu kuti dzitipe mari yemaARV yakaringana uye kuti tive nekodzero sevamwe vanhu vese,” vakataura kudaro mugwaro rakatepfenyurwa nesangano iri nguva pfupi yapfuura.

Nyika dzinopa rubatsiro kusangano reGlobal Fund dzakadzikisa homwe yerubatsiro iyi kubva 2012-2013 kusvika paUS$4 bhiriyoni uye remangwana harina kujeka.

Sangano reWorld Health Organisation (WHO) rinokurudzira kuti munhu aonekwa aine utachiona hweHIV uye CD4 Count yake iri pa500 kana kudzika abva atanga kunwa mushonga wemaARV.

CD4 Count inzira yekuona kuti muropa masoja anodzivirira hurwere akamira sei. Kune masoja akanaka nemasoja akaipa. Masoja akaipa akaita seHIV anoparadza masoja anodzivirira hurwere.

Pasi rose vanhu vanosvika 35 miriyoni vari kurarama neutachiona hweHIV. Sangano reWHO rakazivisa kuti pavanhu ava 2,1 miriyoni vakawana utachiona mugore ra2013. Nyika yeZimbabwe iri muSub-Saharan Africa uko kunove kwakanyanya kuremerwa nedenda iri. Vanhu 24,7 miriyoni vanogara mudunhu iri vane utachiona hweHIV vanove chikamu che70 percent chevanorarama neutachiona uhu pasi rose.

Zvinonzi 1,5 miriyoni vakabata utachiona mugore ra2013 mudunhu iri. Vanhu vanosvika 1,1 miriyoni vakafa mugore ra2013 nekuda kweshuramatongo mudunhu iri.

Pandufu dzepasi rose chikamu che73 percent chaive mudunhu iri zvakare.

“Musi wa17 Chivabvu tichirangarira vose vakatisiya nedenda iri, ngatipihwe ruremekedzo rwakafanana nevamwe vese.

‘‘Mishonga iwanikwe kune vese vanorarama neutachiona hweHIV uye kusave nevamwe vanhu vachabatira utachiona nekuda kwekuti hakuna dziviriro yakakwana nedzidziso, kwete,” vakadaro Mai Burton.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey