Kutyorwa kunoitwa kodzero dzevanhu

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
SVONDO rino tinoenderera mberi nekupedzisa mamwe madingindira anowanikwa munyaya iyi.

Dzidzo:
Stanley ainge aita shungu dzekuti adzidze paakaenda kuPorta Farm kwaiendeswa vanhu vaigara munzira dzemumaguta ndokuzonoita zvidzidzo zvake zvepamusoro kuUZ. Anobudirira zvikuru muzvidzidzo zvake ndokutora madhigirii kusanganisira reMasters of Business Studies. Anotanga kurarama upenyu hwakanaka kupinda hwairaramwa neshamwari dzake dzaakakura nadzo vachigara munzira dzemumigwagwa yeHarare dzakaita savanaKuda naTinos, avo vainge varamba chikoro mushure mekutiza kuPorta Farm vachidzokera mumigwagwa.

Beaula ainge adzidza dhigirii reAccountancy iro rakamuwanisa basa rekuve odhita. Huodhita uhwu ndihwo hwakaita kuti azotapwa nematsotsi aiba mari paC and T Private Limited mushure mekunge kambani yaaishandira yashevedzwa ipapo kuti iite ongororo yezvemafambiro akaita mari yakashaikwa. Dzidzo inoburitswa ichiratidza kuti yakanaka sezvo yainge yashandura upenyu hwaStanley, Beaula, Batsirai naMoira avo vainge vaita zvidzidzo zvemadhigirii paUZ uye vave kugarawo upenyu hunoyemurika.

Vanhukadzi:

Dingindira revanhukadzi rinoburitswa nenzira dzakasiyana-siyana. Vanhukadzi vanoburitswa vachitapwa nekuda kwehunyanzvi hwavo hwekugona basa sezvakaitwa Beaula nechikwata chaVheremu naSolo. Vanhukadzi vanobuda vachiwirwa nematambudziko akaita sekurohwa nekupomerwa mhaka semukadzi anosangana naStanley pana Angwa Street achirohwa mbama nemurume pamwe chete nekurambirwa vana vake.

Vanhukadzi vanoburitswa vachiuraiwa nevanhurume kunyangwe zvazvo vanenge vasina mhaka sezvakaitwa Eve uyo anopondwa naMonya. Vanhukadzi vanoburitswa vachivengana sezvaiitwa naRopafadzo namainini vake vakanga varwisana kusvika Ropa ava kuda kubvisa mainini vake chigunwe.

Mudzimai waSolo anorohwa neshangu naEve ukuwo ndokuzokutsanirwa naSolo naEve. Izvi zvinoratidza kusabatana kunoita vanhukadzi dzimwe nguva.

Vanhukadzi vanoburitswa vachiratidzira senzira yekushoropodza mhirizhonga yemudzimba pamwe chete nekutyorwa kwekodzero dzavo. Izvi tinozviona zvichiitwa nevakadzi vanenge vari pana Angwa Street vanotanga kuratidzira mushure mekunge mumwe wavo arohwa nemunhurume kuburikidza nekusanzwanana kwavaiita mumba. PaHubert Court tinoona pakaungana vanhu pachivanzi chese vachiratidzira mushure mekunge mumwe wavo Eve afa ambobatwa chibharo uye kuzopondwa ndokusiya akabaiwa nebanga.

Kutyorwa kwekodzero dzevanhu:

Murungano urwu tinoona vanhu vakawanda vachishaiswa kodzero dzavo nekuda kwehutsinye hwevamwe vatambi. Kodzero dzaBeaula dzekugara zvakasununguka tinoona dzichityorwa nechikwata chaSolo naVheremu mushure mekunge atapwa ndokuiswa muhusungwa.

Kodzero dzemudzimai waVheremu dzinotyorwa naStanley paanopinda mumba mavo kuHighlands achimudzipa kusvikira ave kuda kufenda, kumurova mbama nekurova mwana wake chibhakera chepamuromo.

Monya nevamwe vake vanotyora kodzero dzevatambi vakawanda vakaita saSamson, aive gadhi wepaSearing Heights wavanosiya vauraya ari pabasa, Eve wavanouraya vosiya vamukanda mutabhu vakamubaya nebanga kumusana. Solo naEve vanotyora kodzero dzemudzimai waSolo kuburikidza nekumurova vari vaviri.

Stanley anotyora kodzero dzaBhasopo paanomudzvinya muromo ndokumushonyorora muviri wake achida kuti amuudze kwaive naBeaula waaitsvaga. Monya anotyora kodzero dzaBhasopo paanomupfura nepfuti. Murume anosangana naStanley achienda kuCentral Police Station pana Angwa Street anotyora kodzero dzemukadzi wake kuburikidza nekumurova mbama.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey