Kuuchika mbeu zvepamusoro

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Kuuchika mbeu zvepamusoro

Kwayedza

Philip Matombo

SAMSON nyama inonaka inotaura yega, vakadaro vakuru vedu uye chekudya chose tanga waraira. Mumwe murimi oti, “Ndakarima chibage ndikawana 16t pahekita” mumwe achiti, “Ndakarima soyabeans ndikawana 5t pahekita” vamwe vachiti, “Zvinoitika izvozvo? Vanonyepa.” Asi chakazovashamisa vakaona murimi uyu ava kufamba nemotokari inodhura. Ndipo povotangazve kuti ane divisi.

Hama vadikani, kugona kusarudza mbeu nekudzirima nemazvo nenguva, kunyanya idzo mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro dzinobva kukambani yenyu yeSeed Co sezvo iriyo kambani yega yakagona kuuchika mbeu yechibage inodarika 18t pahekita ne5t pahekita yesoya. Saka taramba wasaririra pane hunyazvi uhu hwechizvinozvino (modern technology) nekuti kurima kwava kutapira nekubhadhara mazuva ano.

Mukoho uyu wadengenyedza Zimbabwe neAfrika yese nekuti pangotsika mbeu idzi dziri kubva dzangoriga dzose dziri munyika imomo. Saka Seed Co yava kupihwa zita remadunhurirwa nevarimi rekuti “Murigadzose”

Sezvo yave nguva yekusarudza kuna kuti yekutenga mbeu, ticharamba tichiyeuchidzana nekudzidzisana kunaka kwakaita mbeu dzamakauchikirwa navasahwira venyu veSeed Co. Kusarudza mbeu patinotenga kwakakosha, ndinowanzo kufananidza nekusarudza kwatinoita mukomana kana musikana wekuroora. Unotora nguva yako woisa zviga zvaunoda sedungamunhu wozoti uyu ndiye wandafarira, kunyangwe akadhura sei pakuroora varume wazhinji hatiramwi asi totosiya chikwereti kana kutombodzoka kumba kunounganidza imwe mari kana yaunenge waenda nayo pekutanga iri shoma wozodzoka wotora musikana wako.

Ukagona kusarudza mudzimai upenyu hwese unenge uchifara ukatadza unogara uchichema, dzimwe nguva kuzotorambana. Zvakafanana nekusarudza mbeu, sevarimi vakangwara, ngatiregei kunyanya kutarisa mutengo, zviri mairi ndizvo zvakaita kuti ive nemutengo iwoyo . . . Zvakachipa zvinokudhurirai  pakupera kwemwaka nekuti mukoho kazhinji kacho unenge uri mushoma.

Mukoho wepamusoro:

Kurima ibhizimisi saka ngatisarudzei mbeu dzinoita munzvimbo dzatigere dziine mukoho unotatamuka serekeni zvakazotaurwa nemumwe murimi anakirwa nekurima mbeu dzeSeed Co. Hanzi goho racho rinotatamuka serekeni zvichienderana nekugona kupa zvinodiwa nembeu. Sezvandamboreva, mbeu dzeSeed Co kana tichirimira kuRegion 1, 2 nedzimwe nzvimbo dzeRegion 3, rimai mbeu dzeNzou Sc 727 ne Sc 719 dzine mukoho unosvika  ku18t pahekita nekuti pane vakawana goho iri. Kunyangwe ukakundikana kuwana mukoho uyu asi unenge uri pari nani kudarika arima dzimwe mbeu. Iyi mbeu yava kunzi nevarimi MURIGADZOSE .

Zvayakanakira:

1. Inotivirira muzuva apo kunotora mavhiki maviri, matatu kana kudarika mvura yambomira kunaya sezvakaita gore rakapera  yakamiramira pakazonaya mvura yakasimudzira ikapa varimi chouviri

2. Inorema pachikero (high bulk density), varimi vakawanda vakairima vanotenderana nesu kuti ukaisa 2.5-3 mabhagidi musaga pamasaga 20 varimi vazhinji vari kuwana 1.1-1.3t zvichisiyana nekuguta kwachakaita uye kuti chakawana mvura yakakwanda here pachaiita mwana

3. Haiwanzodonha mumunda (good standing ability) kunyanya tikasadarika 50 000 madzinde pahekita zvichireva kuti semhuka hombe, haidi kunyanya kubatanidzwa. Ngatibatsirwei nemadhumeni edu kuti tinowana sei madzinde aya pahekita.

4. Inowa (very good shelling percentage), zvimwe zvibage zvinokudza muguri asi Sc 727  neSc 719 dzine kamuguri kadokodoko shanga dziri hombe iine muguri muhombe unowanzoita 16 maraini ne47 shanga paraini rimwe chete zvichireva kuti pamuguri umwe tinogona kuwana 700-900 shanga. Uhu ndiho hunyazvi hwechizvinozvino hwamakagonerwa ne Seed Co kuti bhizimisi renyu rekurima ritapire vakuru woti papinda badza hapanyepi. Uku ndiko kuuchika mbeu zvemhando yepamusoro

5. Kunyangwe tisina madiridziro inoita zvakanyanya saka ngatiregei kuitya kuti inoti torei mazuva akawanda, zviya nembeu yeShumba dzinongosiyana nemazuva asingadariki 13 pakuibva.

Muzvimbo idzi munoitawo mbeu dzeShumba Sc 637 Sc 633 neSc 627 kwozoti Mbizi itsva iri kukwikwidzana dzimwe nguva kutokunda  mbeu dzeShumba inonzi Sc 529. Mbeu idzi dzine mukoho unodarika 11t pahekita saka ndati seSeed Co, takakuuchikirai mbeu zvemhando yepamusoro. Chasara ndechekuti mudzirime zvemhando yepamusoro mowana mikoho yakanaka iri kuwanikwawo nevamwe varimi torega kuyera nyoka negavi iyo iripo saka ngatidzitengei mbeu idzi sezvo dzatekeshera muzvitoro zvakasiyana-siyana nyika yose mvura irege kunaya tisati tatenga mbeu.

Mbeu yembizi Sc 529 yakanakirei:

1. Ndiyo mbeu yekutanga munyika inokwikwidzana nemukoho weShumba iyo iri Mbizi 11t pahekita.

2. Inovaimira uye shanga racho rakasimba zvekuti inoti nonokei kapfukutwa

3. Inorema pachikero

4. Haidonhe mumunda, ine midzi nedanda rakasimba

5. Kune vanorima gorosi munokurumidza kukohwa modyara gorosi nenguva

6. Kana wanonoka kudyara, ndiyo mbeu yekurima

7. Inotivirira zuva zvakanyanya

8. Inoita kubva kuregion 1 kusvika kuregion 4 (wide adaptability)

9. Inoita miguri yakareba pachibage chekugocha uye inotapira zvakanyanya pakudya chibage chakabikwa kana kugocha

Uku ndiko kuuchika mbeu zvemhando yepamusoro kuitira imi varimi. Hero divisi iro risingapfuki kana kukushungurudzai  mangwani .

Kune vanorima muregion 3-5 heyo mbeu yekaTsuro neTsoko dzakauchikwa zvemhando yepamusoro dzichitivirira kuzuva  nekupa goho rinosvika ku7t pahekita kana mwaka wakanaka, kunyanya pakunaya kwemvura nekuti goho redu munzimbo idzi rinowanzoderedzwa nekusanaya kwemvura zvakanaka. Mbeu izi dzinogona kurimwa munzvimbo dzinonaya mvura yakawanda zvichisiyana nedonzvo remurimi.

Soyabeans:

Seed Co ine vauchiki vembeu vanoshanda siku nesikati vachiziva zvavari kuita vachikwenenzera zvamunoda imi varimi. Kusoyabeans munyika yose Seed Co ndiyo yakatanga kuuchika mbeu dzine mukoho unosvika ku5t pahekita uye ndiyo kambani yakatanga kuuchika mbeu dzinotivirira chirwere cheSoyabean Rust dzakaita seSc Status neSc Sequel. Saka semurimi, ukatenga mbeu idzi unenge wakatohwina kare. Mbeu dzeSeed Co dzeSoyabeans dzine mukoho unodarika 4t pahekita, hadzikurumidzi kuputikira mumunda sezvo dzichipa murimi 30 mazuva kubva padzinoibva kusvika padzinozotanga kuputika, hadziwanzodonha (lodging) mumunda uye dzakadzivirirwa kuzvirwere zvakawanda zvinobata soyabeans. Saka tinokukurudzirai kuti mutenge mbeu dzakauchikwa kubva kukamani yenyu yeSeed Co Murigadzose. Nekuti “Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co”.

Bhizimisi rekurima rinonakidza kana uchirima mbeu dzakauchikwa zvemandorokwati zvechizvinozvino (modern technology). Tikarima mbeu idzi tinotanga kudyara takahwina kare nekuti dzakauchikwa zvemhando yepamusoro. Tava kutenga tinokukumbirisai murege kunyanya kutarisa mutengo (price) nekuti chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu, zvakachipa zvinodhura. Tinokushuwirai mwaka wakanaka tikurumidze kunotenga mbeu tirege kurasikirwa neguva kana mvura yanaya. Chiziwiso: Mbeu dzecibage dzatekeshera muzvitoro zvakawanda munyika uye ukatenga 10kgs yembeu yechibage une mukana wekuhwina bhasikora, zambiya, hovhorosi magumboots, sipo nezvakawanda. Uku kudzora imwe mari kuvarimi. Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co

 

Kana pane pausina kunzwisisa, sunungukai  kufona panumba idzi: 0772572497 kana 0731572497.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey