Kuzviongorora HIV: Ruzhinji rwotaura

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Kuzviongorora HIV:  Ruzhinji rwotaura

Kwayedza

Catherine Murombedzi
MASVONDO apfuura, ndakaparura nhau yekuti pane chirongwa chekuti vanhu vakwanise kuzviongorora HIV vega kumba.

Chinongodiwa kuti munhu atenge kamudziyo kanoshandiswa kubva kufamasi ozvivheneka ari ega mumba make kana achida pamwe nemhuri vozvivhenekawo.

VaLawrence Kupara vanova Provincial Aids Co-ordinator weManicaland vanoti Zimbabwe ichange ichiparura chirongwa ichi mugore rino nekuti inogona kuve imwe nzira yekukunda nayo kupararira kweutachiona hutsva hweHIV. Vakaenderera mberi vachiti havazozivi panhau yevangasafara nezvabuda muongororo sezvo kuchinzi kune vanhu vakazviuraya mushure mekunge vaonekwa vaine utachiona hweHIV.

“Hatina hedu umboo hwakazara hwevanhu vakazviuraya nekuti hakuna ongororo yakaitwa. Asi tinonzwa nekuverenga mumapepanhau pamusoro pevanhu vanenge vazviuraya naizvozvo panoda kuongororwa ipapo,” vadaro VaKupara.

VaRonreth Shumba vemuHarare vakatsinhira vachiti chinouraya vanhu vazhinji kushaya ruzivo naizvozvo munhu akakwanisa kuziva pachine nguva yakakwana anotsvaga rubatsiro asati arwara.

“Ini handioni chakaipa panhau yekuti senyika tive nehurongwa hwekuti munhu anoda akwanise kuzviongoroa utachiona pachake pasina kutya kuti nesi (mukoti) angazozive. Munhu ane ruzivo anokurumidza kutsvaga rubatsiro asati arwara. Tinoona kuti vanhu vazhinji munyika ino vanozoongororwa kuti havana here utachiona hweHIV mushure mekunge vava kutorwara. Izvi zvinogona kuve nhaurwa yakare nekuti munhu anenge ava negaroziva,” vakadaro VaShumba.

Mumwe wandakataura naye, Mai Ruramai Chasi vanoti izvi zvingarerutse ndima nekuti vanhu vazhinji havadi kuti mamiriro avo azivikanwe nevamwe naizvozvo munhu akazviongorora ega anokwanisa kuzoenda kuchipatara asati arwara.

“Kune vamwe vasingadi kuwanikwa mubesanwa revanhu munzvimbo dzakaita sekumakiriniki kana New Start Centre. Mumwe haadi kuonekwa ari ikoko. Haadi zvake zveruzhinji naizvozvo ikodzero yake kuti ange achiziva mamiriro akaita ropa rake pachake. Mumwe ndeane mari dzake zvekuti kubva ipapo anonanga kwachiremba nezvadubapo otonorapwa nekupiwa ruzivo ruzere,” vakadaro Mai Chasi.

VaRichmond Rafaro vanoti chirongwa ichi chinokudzwa nekuti kune vamwe vanhu vari kunzvimbo dzinonetsa kusvika.

“Kana munhu ogona kutenga kiti yekuzvitesita ega izvi zvinorerutsa ndima. Kune vanhu vari kumaruwa vanogara kure-kure nezvipatara. Munhu anenge achida kuziva mamiriro ake asi nekuda kwemitunhu anozosvika pakurwara asina kuongororwa ropa. Kuwanikwa kwemakiti ekuzviongorora ndinoona chiri chinhu chakanaka. Chinhu chitsva chese chinotariswa nekutya asi ini ndinoona zvakanaka,” vakadaro VaRafaro.

Vanoti vanovimba kuti mutengo wemakiti aya uchange wakaderera.

“Ndinovimba mutengo uchange usingadariki dhora kana kutoti makiti maviri padhora sezvo vanhu vasina mari. Kiti ikadhura hazvirevi chinhu nekuti vanhu vanokundikana kutenga,” vakadaro.

Mumwe chiremba mukuru muHarare, uyo akakumbira kuti tisaburitse zita rake rose kunze kwerekutanga rekuti Charity, anoti haaone kunge tasvika panhanho iyoyi. “Tisangoti zvaitwa mhiri nesu tokumba. Tinoziva munhu asati aongororwa ropa anotanga aitwa counselling (kupangwa mazano) nevakadzidzira basa iri. Anozopangwa mazano zvakare asati apiwa zvabuda muongororo. Anozopihwa counselling zvakare angave asina kana kuti ainahwo utachiona. Zvino kana munhu otenga kiti yacho sechingwa muchitoro ko akanoona aine utachiona hweHIV anozodzikamiswa nani? Kunyika dzekunze vane foni dzinodairwa siku nesikati dzekubatsira pamusoro pezveutano. Muno hatitotauri kana munhu anoshanda chaiye anomboshaya mari yekufona wani? Ko asina foni anozowana rubatsiro kupi? Tisamhanye kumedza isu kutsenga tichada,” akademba-demba Charity.

Kunyika yeUnited Kingdom kune inonzi OraQuick inove imwe yenzira dzekuongorora utachiona hweHIV pachako inopa rubatsiro rwekupindura vanenge vaine mibvunzo kwemaawa 24 pazuva. Izvi zvinoreva kuti vanhu vanoshanda neusiku. Mutengo wekiti iyi unosvika US$40 naizvozvo handioni kunge zvingashande munyika medu muno.

Charity anoti anezenge achidaira mafoni ndiani uye kuti homwe yacho yakatogadzirira here nhau iyi.

“Izvi zvinoreva kuti panozove nesangano rinopa counselling pafoni. Sangano iri ravapo here uye rine homwe yakasimba pamwe nezvekushandisa siku nesikati?” akabvunza.

Mumwe musikana wechidiki uyo akati anoda kunzi Violet, anoti pachirongwa ichi Zimbabwe inenge yatanga moto unogona kuzonetsa kudzimura mangwana nekuti vanhu vachazenge vomanikidza kuongororwa nemumwe wake iye asingadi.

“Kugodanana nemunhu anenge otokumanikidza kuti ngativheneke ropa rako kunge iwe wati unoda kuvheneka rake. Zvinozokonzera kugeda-geda kwemeno munyika zvikasatariswa zvakanaka. Anoda kuongororwa ropa ngaanange oga kuriniki kana kuNew Start Centre. Izvi zvekuzombunyikidzwa kana kutotorwa nekabisira wakarara usingazivi handione zvakanaka,” akadaro Violet.

Kana kune vane dzimwe pfungwa tumirai tinzwe nekuti tisazoyeuke bako taniwa.

Share This:

Sponsored Links