Kwakabva zita: Gowa (Buhera North)

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

KuBuhera North kudunhu rekwaViriri kune karwizi kanonzi Gowa (soda water). Gowa kureva mvura inovava. Mvura inoyerera mukarwizi aka hainwiki nokuvava. Yakanakira pakuwacha mbatya dzine mavara akasvibira (dark colours) uye nepakugeza unoshandisa sipo shomanana. Zvakatanga mugore ra1922 mushure mekunge vaRungu vachera chibhorani chemvura yokunwa. Vapedza kugadzira chibhorani ichi, pavakati vachigweja mvura ibude, yakabva yangoshanduka ndokubuda mvura inovava gowa. Pavakabvisa mupon’oro wekugwejesa, mvura haina kumira kubuda kusvika nanhasi inongodhuzhuka yoga. Ndiyo yava nekarwizi kanonzi Gowa uye nanhasi ndiro zita rinodanwa. – LAWRENCE VIRIRI, GV 7 ([email protected])

CHIZIVISO:

MuZimbabwe mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga sei. KwaMurehwa kune nzvimbo inonzi Zorizozo, kuMhondoro kune kunonzi kwaDhodhi uyewo kuZaka kune kunonzi kwaMuroyi. Kana ukatsvagisisa, uchaona kuti mazita ose aya ane kwaakabva, uye ane zvaanoreva.

Kwayedza iri kukoka imi vaverengi kuti mutinyorere muchitiudza zita renzvimbo yamunogara nekuti sei yakapihwa zita iroro.

Tumirai tsananguro dzenyu makanyora kuti “KWAKABVA ZITA” ku:

Kwayedza, PO Box 396, Harare

Email: [email protected]

Munogona kusiya matsamba kumahofisi ose eZimpapers ari paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post kwaMutare, kuStar FM, kuGweru, kuMasvingo, kuChinhoyi, kuVictoria Falls, kana kuBeitbridge.

Share This:

Sponsored Links