Kwayedza African Woman 2015 ashaya

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Kwayedza African Woman 2015 ashaya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUDZIMAI wekutora mubairo mukuru mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year 2015, Beauty Mutambu, akashaya.

Mutambu (46) akashaya nemusi weChipiri svondo rino kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko anga achirapwa itsvo. Mutambu akapinda mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year apo aimirira Murombedzi iri kwaZvimba kunove kumusha kwake.

Mutauriri wemhuri yekwaMutambu — Wadzanai Muchaiwana — anove munin’ina wemushakabvu, vari kurwadziwa zvikuru nekurasikirwa uku. “Beauty ange aine rudo, akazvininipisa uye takafara zvikuru nekuhwinha kwaakaita makwikwi eKwayedza African Women of the Year tichiona achibuda mubepanhu aine zvishongo zvake zveAfrican Attire.

Mukoma wangu anga ari kutambudzwa nechirwere cheitsvo nekudaro anga ava nenguva refu achigezwa itsvo kuParirenyatwa kunova kwaakashaikira,” anodaro. Mutambu anga aine vana vatatu uye ari kuchemerwa panhamba 3635 Tynwald North, muHarare. Hurongwa hwekuvigwa kwake huchaziviswa nekufamba kwenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey