Uncategorized

kwayedza haiburitse zvakadaro

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
kwayedza haiburitse zvakadaro

Kwayedza

KWAYEDZA — bepanhau revanhu — rinoda kuzivisa vaverengi nevatsigiri varo kuti harinei nechekuita nezvimwe zvinyorwa zviri kubuda padandemutande sepaWhatsApp zvinosanganisira zvinyadzi kana manyepo izvo zvinenge zvakaiswa zita rebebanhau rino.

Kune dzimwe nhubu dziri kushandisa zita rebepanhau rino zvisirizvo, idzo dziri kunyora zvinyadzi padandemutande nechinangwa chekuedza kusvibisa Kwayedza, bepanhau raita mukurumbira nekupakurira vaverengi varo nhau dzechokwadi, dzinovaka nekusimudzira chivanhu chemuZimbabwe uye dzichibuda sezvadziri, pasina kana tsvete.

Mutauriri wekambani yeZimpapers, iyo inova varidzi veKwayedza – Public Relations and Corporate Affairs Manager – Beatrice Tonhodzayi, anoti kambani yeZimpapers inozivisa kuti hainei nemashoko emanyepo aya.

“SeZimpapers tinoda kuzivisa kuti hatinei nemashoko emanyepo ari kunzi ari kubva kubepanhau redu rine mukurumbira reKwayedza. Kwayedza ibepanhau rinozivikanwa uye rine manyorero aro agara achizivikanwa.

“Isu hatinei nemutauro kana mashoko ari kushandiswa nevanhu ava, hatinyore zvinyadzi kana manyepo.

‘‘Ticharamba tiine donzvo redu rekugutsa vaverengi nevashambadzi vedu sezvatagara tichiita. Tine urombo nezvakashata zvingangodaro zviri kukonzerwa nekuita kwevanhu ava,” anodaro Tonhodzaiyi.

Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvine madheti akanzi 6 Kukadzi 2017, zvinove zvisina musoro sezvo dheti iri risati rasvika.

Kwayedza ibepanhau rinozivikanwa nekuumbiridza nekukurudzira hunhu hwakanaka muvanhu zvekare ibepa remhuri, nekudaro haribuditsi zvinyadzi kana zvinotuka. Ndokusaka richidiwa mudzimba dzakawanda, kunyangwe muzvikoro umo rinopakura zvine chekuita nedzidzo.

Kana pari padandemutande, Kwayedza rinowanikwa pawebsite inoti [email protected].

Nekudaro zvimwe zvose zvisingawanikwe padandemutande iri asi zvichinzi ndezve muKwayedza hazvina chekuita nebepanhau rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>