‘Kwayedza inotigonera’

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Kwayedza inotigonera’

Kwayedza

Daphne Machiri —
BEPANHAU reKwayedza rinorumbidzwa nekubatsira kwariri kuita vana vechikoro kuti vabudirire muzvidzidzo zveShona pasi pechikamu charo cheDenhe Reruzivo.

Rumbidzo iyi yakabva kuna VaBrian Zivanai, avo vanova finance and corporate governance expert paMitchelles Group of Schools, muHarare.

Muhurukuro neKwayedza, VaZivanai vanoti vana vepachikoro chavo vari kubudirira pabvunzo dzeShona dzeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) nekuda kweKwayedza, uye kubvira muna 2015 kusvika gore rapera, vari kubudirira nechikamu che100%.

“Vana vedu vari kubudirira mubvunzo dzeShona nekuti vanoshandisa Kwayedza iro rine zvikamu zvakasiyana zvechidzidzo cheShona. Zvakare, Kwayedza rinopa mikana kuvana kuti vange vachipindura mibvunzo yakasiyana nekubvunzawo pane zvavasingazive,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kunze kweShona, tiri kudzidzisa mitauro yakasiyana pachikoro chedu inosanganisira Ndebele neVenda kubva gwaro reECD kusvika Grade 7. Izvi zvakakosha kuitira kuti vana vakure vachiziva mitauro yakasiyana uye vamwe vanozoenderera mberi nezvidzidzo zvakadai kusvika kuyunivhesiti,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti pachikoro pavo vanosusukidza chidzidzo cheShona kumberi.

“Chidzidzo cheShona tinoramba tichivandudza, tine tarisiro yekuti mwana paanosvika Grade 7 anenge ave kukwanisa kunyora zvakaita senhetembo nemitambo achishandisa mutauro uyu,” vanodaro VaZivanai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey