Kwayedza: Mbiri kuvaverengi

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Kwayedza: Mbiri kuvaverengi

Kwayedza

NEMUSI weChipiri svondo rapera, ongororo yeZimbabwe All Media Products Survey (ZAMPS) yakaburitsa zviri pamusoro pemapepanhau nevaverengi vawo, nhepfenyuro nevatereri vadzo nezvimwewo. Chokwadi chave kuzivikanwa! Bepanhau revanhu reKwayedza rakaiswa pachikero neZAMPS rikaonekwa riri padanho rechipiri (nhamba 2) pamapepanhau anobuda kamwe chete pasvondo ari kunyanya kufarirwa nevaverengi muZimbabwe – zvose mumaguta nekumaruva. Izvi hazvishamise nekuti Kwayedza — sezvava kubvumwa nevakawanda — harisi kumira. Riri kufambira mberi nekupakurira vaverengi varo, avo vari kuramba vachiwanda, nhau dzavanofarira. Kuvaverengi, mazuva epasvondo anotononoka kufamba vachida kuti vanzwe zvitsva zvinodzidzisa, zvinovaka nezvinonakidza kubva kupepanhau ravo ravanofarira. Nekuda kwevatsigiri vedu – vaverengi nevashambadzi – Kwayedza riri kuramba richisimukira. Naizvozvo Kwayedza rinoda kutora mukana uno kutenda vaverengi nevashambadzi nekuritsigira zvizere kwavari kuita. Pasina imi hatina kwatinosvika, naizvozvo makatikoshera.

Rutsigiro urwu rwaona Kwayedza richiramba richisimukira sezvo rave kuverengwa nevanhu vakawandisa, avo pari zvino vave pachikamu che15% chevaverengi vose vemapepanhau anobuda pasvondo muZimbabwe. Ehe muZimbabwe yose zvayo! Ongororo yeZAMPS inotaridza kuti pamapepanhau anodhindwa pasvondo munyika yose, Kwayedza riri panhamba yechipiri richitevera The Sunday Mail. Ose mapepanhau maviri aya anodhindwa nekambani yeZimpapers. Kwayedza rasimuka kubva pa4% yechikamu chevaverengi apo paraive gore rapera. Budiriro yeKwayedza iyi haibve kuvashandi varo asi kuti kuvaverengi vanoritsigira kuburikidza nekuritenga pamwe nemakambani nemasangano anoshambadza mariri.

Tinodaro nekuti bepanhau revanhu iri rakafanana nehove isingakwanise kurarama pasina mvura. Nekudaro tinotenda zvikuru rutsigiro urwu.

Hazvisi nyore kuti Kwayedza ringe richienda pachidanho chechipiri pamapepanhau anobuda pasvondo munyika yose.

Tinodaro nekuti kune mapepanhau akawanda zvikuru anobuda pasvondo, mamwe ari pasi peZimpapers neanoburitswa nemamwe makambani. Mamwe emapepanhau anobuda pasvondo ndeanoti Manica Post, B-Metro, Sunday News, Umthunywa, The Standard, Financial Gazzette, Zimbabwe Independent, Daily News on Sunday neThe Zimbabwean.

Hatinzwi kuzvitutumadza kana manyawi ekuti bepanhau revanhu riri pamusoro pemamwe ose aya asi kuti tinonzwa kuzvininipisa tichipa mbiri kuvaverengi vedu. Gore rapera, Kwayedza yaive panhamba yechitatu pakuverengwa kwemapenhau anobuda pasvondo muZimbabwe.

Nekudaro zvinofadza zvikuru kuona kuti Kwayedza gore rino rave panhamba yechipiri. Chimwe chinofadza panyaya iyi ndechekuti zviri pachena kuti veruzhinji vari kutsigira mutauro werurimi rwaamai.

Zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvikoshese mitauro yerurimi rwaaamai yakadai seShona neNdebele kuburikidza nekutsigira mapepanhau anodhindwa nemitauro iyi. Zviri pachena zvakare kuti Kwayedza ibepanhau revanhu – sezita nedonzvo raro – kana tichitarisa kusimukira kwariri kuita. Chishuwo chedu chekuti vaverengi varambe vachititsigira nekuti zvikangodaro chete tinosvika kure tose. Hapana aimbofungira kana kurota kuti Kwayedza ringasvike parave nhasi uno asi kuburikidza nekuita muonerapamwe sechuma chemuzukuru, zvinhu zviri kuendeka. Vakuru vanoti rwodzi rwakasungwa katatu harwudambuke nyore uye seKwayedza, tinoshuvira kuramba tichisimbisa hukama hwedu nevaverengi nevamwe vatsigiri vedu.

Share This:

Sponsored Links