Uncategorized

‘kwayedza muchapedzerana nenjuzu’

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘kwayedza muchapedzerana nenjuzu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKADZI anongoda kunzi Mai Chikerema, uyo anoti anorarama upenyu hwepasi pemvura munzizi Munyati, Nyatsime naManyame — anoti haasi kukwanisa kuenda kunonamata kumachechi nekuda kwemhiko dzavanopihwa nenjuzu idzo anoti vanogara vachikumbira kwadziri pane zvose zvavanoita.

Asi mukadzi uyu anoyambira vatori venhau achiti kana nyaya ino ikabuda munhau, vachazviona nenjuzu.

“Vabereki vangu zvose nehama uye vekwandakaroorwa havachandida nekuda kwemweya wenjuzu uyu. Njuzu idzi dzinonditevera kwandinoenda kwose, kana dai ndikati ndipinde chechi.

“Imi (veKwayedza) mukaramba muchida kuburitsa nyaya iyi hameno kana makasimba nekuti muchaedzana masimba nadzo. Ndinotaura nemachembere makuru munyaya dzepasi idzi, uyewo ndinobatsira vamwe vane matambudziko akaita seangu avo ndinongovati vatenge machira ndovagadzirira,” anodaro Chikerema.

Anoenderera mberi vachiti: “Mumwe musi ndakaenda kuchechi kuZengeza, ndave kudzoka ndikaona munhurume achibuda mukati medombo akanditevera ndokundibvunza kuti, ‘Ko amai imi makabva rinhi kumvura?’, ini ndikamuti kare achibva adzokera. Ndichisvika kumba, ndakasvikorutsa ropa rikazara mugomo.

“Saka nyaya iyi mukaiburitsa munoda kuti ndife zvose nevana vangu vasara. Ndakakumbira kare kumvura kuti vana vangu vaviri vasauraiwe.”

Mudzimai uyu anoti machira aakabva nawo kumvura nechuma zvaakapihwa nenjuzu haadi kuti zviparadzwe sezvo achitya kufa sezvaakaudzwa nenjuzu idzi.

“Ndakauya ndichibva kumvura nendiro yemuti yaiva nemupunga, jira nechuma. Ndakanzi hazvifanirwe kuparadzwa. Kana ndichida kunamata saizvozvi, ndinongozviendesa kumusha asi kunamata kwacho zviri kuramba,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey