Kwekubvunza zve‘insurance’

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Kwekubvunza zve‘insurance’

Kwayedza

SVONDO rino tinopeta nyaya yema”insurance” inodiwa mushure menjodzi dzemabhazi kana makombi tichikupai mashoko anogona kukubatsirai.

Panzvimbo dzakawanda dzinokwirirwa makombi nemabhazi pane zvikwangwari cheInsurance Council of Zimbabwe (ICZ) izvo zvinoyambira veruzhinji vanokwira makombi kana mabhazi kuti ikodzero yemunhu wose anokwira bhazi kana kombi kuti akwire chekufambisa chine “insurance” inozomubatsira, kana pakaita tsaona (Passenger insurance is your right).

Vanhu vanoyambirwawo kuti vave nechokwadi chokuti ngoro yomoto yavakwira ine “insurance” here kana kuti kwete (Be sure before you board).

VeICZ pachikwangwari apa vanopa kero yekwavanowanikwa, uyewo kuti vanoda kutaura navo, vangataura navo nenzira dzipi: runhare netsamba mbozha (email).

Vanokwanisa kutaura navo ngavabvunzewo kuti pamwe munhu ungagutsikana kuti kombi yawakwira ine “insurance” yakanaka, asi dzimwe nguva vanogona kukusiira panzira, mopedzisira mave kunzi, “Sori vabereki, hatichasviki nemi sezvatange tataura. Chikwirai mune imwe iyi, asi hamubhadhare.”

Kunenge kwasviba, uri kutya kusara uri woga.

‘‘Ungasare here nokungoda kuziva kuti vane “insurance” here kana kuti kwete?

Hazvisi nyore, asi kana veICZ vachitomboshambadza kuti une kodzero ye”insurance” zvoreva kuti zvave kwauri kutevedzera kana kusave nehanya neupenyu hwako.

Kana vanhu vakatanga kuve nehanya neupenyu hwavo, vachiramba kukwira mabhazi nemakombi asina “insurance” inovabatsira, varidzi kusanganisira vatyairi vawo vanotanga kuziva kukosha kwazvakaita kumabhizinesi avo, uyewo kuchengetedza upenyu hwavanhu.

Share This:

Sponsored Links