Lafarge yoedza kusimudzira utano

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

KAMBANI yeLafarge Cement Zimbabwe yakatangisa chirongwa chekusimbaradza nyaya dzeutano kuburikidza nekupa chenjedzo kune veruzhinji, kunyanya vari munharaunda yeMabvuku neTafara.

Chirongwa ichi chichaitwa kusvika kupera kwemwedzi uno pasi pedingindira rinoti “Maitiro angu, ane chekuita nebuririro”.

“Gore rino Lafarge Cement Zimbabwe ichange ichinyanyotarisana nenyaya dzekuchengetedzwa kwemarara.

‘‘Tiri kushandisa nzira dzakasiyana dzekuona kuti vanhu vari munharaunda dzatinoshandira havakanganiswi utano hwavo.

“Tichashanda nevana vezvikoro zvepuraimari kuti vangwarire tsaona mumigwagwa,” vakadaro Mai Edith Matekaire, avo vanove mushambadzi nemukushi wemashoko kukambani iyi.

“Kusimudzira utano hwevanhu munharaunda kunobatsira mubudiriro yenyika. Munzvimbo yeMabvuku-Tafara vanhu vanowanzosangana nematambudziko ekushomeka kwemvura zvinova zvinokonzera zvirwere zvemanyoka zvakaita setyphoid nekorera,” vakadaro.

Vanoti vane chido chekusimudzira nharaunda uye vachadzidzisa vanhu nzira dzekuchengetedza nharaunda dzavo dzakachena.

Kambani yavo iri kufundisa vana vechikoro zvakare kufamba kwakanaka mumigwagwa ichibatsirwa neZimbabwe Republic Police neTraffic Safety Council of Zimbabwe, vemachechi, makanzura nevamwe vakazvipira mukubatsira nemazano.

Lafarge ine vashandi vanodarika 64 000 munyika 62 uye mugore ra2013 yakawana mari inosvika US$15,2 bhiriyoni kubva mukutengesa semende.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>