Uncategorized

Lameck tinomusunga: ZRP

05 May, 2017 - 05:05 0 Views
Lameck tinomusunga: ZRP LAMECK CHIMOKA

Kwayedza

— Rekeni imhosva: Mapurisa — ‘Afa anaka kudii kwacho?’
— ‘Chokwadi ngachitaurwe’    —‘Haana kumbodirwa weti’

Kingstone Mapupu —
MUTAURIRI wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti imhosva munhu kufamba kana kusvika nezvombo zvinokuvadza zvakaita serekeni panzvimbo dzine veruzhinji.

Vanotaura mashoko aya zvichitevera nyaya yemurume wekuOld Mabvuku, muHarare uyo aita mbiri mumazuva mashoma – Lameck Makwiramiti Chimoka (42) – mushure mekutukirira nekuny’omba chitunha chemukadzi weko pajekerere apo chaivigwa. Anonzi akazokonzeresa zvakare achida kupfura vanhu vaiva parufu apa nerekeni.

Mwedzi wapera mapurisa eZimbabwe Republic Police vakaburitsa munhau zvombo zvisingatenderwe kusvikwa nazvo munzvimbo dzine veruzhinji uye zvinokuvadza izvi zvinosanganisira rekeni.

“Semapurisa, tiripo kuchengetedza ruzhinji munyaya dzemhirizhonga. Munhu akaita izvi anofanirwa kusungwa, vanhu ava ngavamhan’are nyaya iyi. Kunyange munhu akakanganisirwa zvakadii haana mvumo yekuedza kushandisa kana kuvhundutsira vanhu nenzira ipi, anofanirwa kusungwa aende kumatare edzimhosva,” vanodaro Chief Supt Nyathi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mutemo wedu wePOSA neCriminal Codification Act hautendere kuti vanhu vave nezvombo panzvimbo dzeruzhinji, izvo zvinosanganisira rekeni, mapanga, pfuti, mapiki, mafoshoro, matemo, mapadza nezvimwe zvinokuvadza.”

ANGELICA CHIMOKA

Vanhu vaiva panhamo yaMai Olivia Mapenzwa (42) panhamba 111 Chirimuuta, kuOld Mabvuku, vanonzi vakaita rurasademo vachitiza — vamwe vavo vakabata ndiro dzesadza — apo vaida kupfurwa nerekeni naLameck, uyo anonyanya kuzivikanwa munzvimbo iyi nekuti Garwe kana kuti Wrong Turn.

Lameck aida zvakare kumwaya tsvina yevanhu muchikafu chainge chabikwa panhamo iyi achipomera mushakabvu kuti akashungurudza mwanasikana wake nekumurarisa panze, ndokuzomudira mugomo weweti mushure mekunge atizira mwanakomana wamai mushakabvu ava.

Izvi zvinonzi zvakaitika apo mwanasikana waLameck — Angelica Chimoka Makwiramiti (22) — akange apihwa pamuviri naTafadzwa Tumba (22) anove mwanakomana wemufi.

REGIS THUMBA

VaRegis Tumba (48), avo vanova baba vaTafadzwa vanoti vakamboedza kutaura naLameck nekuda kwenyaya iyi asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Vamwe vanhu vaida kudya sadza panhamo iyi vanonzi vakazotiza nendiro apo vamwe vakarisiya rapakurwa votya kukuvadzwa naLameck uyo akange amuka chibhebhenenga nerekeni.

VaTumba vanoti mudzimai wavo — uyo anga ari muzvinhabhizimisi muHarare — akafa mushure mekurwara kwenguva inokwana maawa matatu bedzi.

Lameck akatuka chitunha chaamai ava achiti dai vasina kukurumidza kufa aida kupedzerana navo nekuda kwekukanganisira uko anoti vakaitira mwana wake pakumudira weti nekumugarisa musango apo akazira kuna Tafadzwa.

Zvisinei, VaTumba vanoramba nyaya yekuti mudzimai wavo akadira Angelica weti. “Mudzimai wangu anga ari muzvinabhizimisi, kumba kwaLameck kune nhamo saka vaida kuti mwana wavo aroorwe pano nekuda kudya nekuchiva rugare rwuri pano. Vadzimai vangu vaiva nekambani yekugadzira maaizi kirimu uye mukadzi wangu haana weti yaakadira munhu, kunyepa,” vanodaro VaTumba.

TAFADZWA THUMBA

Lameck anoti nyaya iyi akaisvitsa kuvakuru vake mumhuri — vemuno nevari kunze — avo anoti aida kuti vawirirane kuti voripwa sei nemhuri yekwaTumba.

“Ini ndinoda mombe chaiyo kuvanhu ava kuti mhosva iyi ipere. Asi ndine vakoma vachataura zvavanofunga. Mwana wangu Angelica anogadzira vanhu misoro mari yacho ichidyiwa naTafadzwa, kureva kuti vanhu ava vanodanana. Munhu aitadzisa vana ava kudanana ndiamai vakafa ava,” anodaro Lameck.

Lameck anotiwo kune madzimai ane chitsama emumusha weOld Mabvuku vanodira weti varoora vanenge vatizira kuvanakomana vavo izvo zvaanofungira kuti zvine chekuita nemishonga yakaipa.

“Tinoziva weti ichinzi inoshandiswa kufumura zvinhu zvakaipa, muno mwana wangu ndewechitatu kudirwa weti achirariswa panze pavanasikana vanotizira. Zvino ndiri kuvayambira mazijembere iwaya kuti kana uri mushonga, tichavagadzirisa.

“Izvozvi mwana wangu ave kungotora mari achiendesa kumukomana kwaakarambwa uku saka kudyiswa?” anodaro Lameck. Angelica anotsinhira kuti akadirwa weti navamwene vake uye anoti iye naTafadzwa vanodanana kunyangwe zvazvo paine zvinoda kugadziriswa pakati pavo. “Ndakatizira ndikaperekedzwa nemadzitete angu anoti Violet naAgness tikarara pavharanda tarambidzwa kupinda mumba. Amai ava vakaitira weti muchigubhu vakatidira tose nanatete tivete panze,” anodaro.

Tafadzwa anotsinhirawo kuti anodanana naAngelica, kunyangwe zvazvo asina kuda kutaura zvakawanda achiti achiri kuchema amai vake.

Mudzimai waLameck — Crylate Shereni (32) — uyo asina mwana nemurume uyu, anotiwo amai vaTafadzwa ndivo vaikanganisa kupfumbira kwerudo pakati pake naAngelica.

Mhuri yekwaTumba inotiwo pakasunungukwa mwana naAngelica, vanatezvara vekwakaLameck havana kumbovaudza izvo zvavanoti zvakaita kuti vave nemibvunzo yakawanda.

VaStuart Takawaira (63), avo vanova baba kumhuri yekwaTumba, vanoti Tafadzwa achiri kuda kuenderera mberi nechikoro.

“Pano madzitezvara edu ekuHonde Valley vabva pano vaine kutsutsumwa nekuda kwenyaya iyi, vachiti vaisaziva kuti mwana wavo afa nei. Tatova nemhosva izvozvi vachiti taivavanzira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links