Ligi redu muno riri papi?

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Ligi redu muno riri papi?

Kwayedza

Abel Ndooka —
KUBVIRA pakatanga mwaka mutsva wePremier Soccer League masvondo adarika, zvikwata zvose zvinokwikwidza muligi iri zviri 18 zvakwanisa kunwisa ka55 zvakabatana mumitambo mina yazvatamba.

Apo zvikwata zvemuno zvinotarisira kukwikwidza nhabvu yemhando yepamusoro, kunwisa kwazvaita ka58 kushoma chaizvo kana zvichienzanisa nezvimwe zvekunze kwenyika zvakaita sezviri muEngland Premier League izvo zvanwisa ka106 zviri 20 mumitambo mina zvakare.

RODRECK MUTUMA

Ishuviro yemutambi wese wenhabvu kuti atengwe nechikwata chekunze asi kuti awaniswe mukana uyu anofanirwa kunge achibvarura mambure zvinonwisa mvura.

Chishuvo chevatsigiri, vakotsveri pamwe nevatambi vacho kuona mutambi anonwisa ka20 muligi izvo zvava nemakore vatambi vemuno vachikundikana kuita.

Norman Maroto ndiye akapedzisira kunwisa ka22 mumwaka mumwe chete apo akazviita mugore ra2010 achitambira Gunners FC.

Kozoti mugore ra2012, Nelson Mazivisa weShabanie Mine akanwisa ka18 izvo zvakazodzokorodzwa naTendai Ndoro weChicken Inn mugore ra2013.

Gore radarika, Leonard Tsipa weCAPS UNITED ndiye akahwina mubairo weGolden Boot anwisa ka11 chete.

Zvakadai, mwaka uno kubva mumitambo mitatu yatambwa nechikwata chake, Tsipa haasati ambonwisa.

Mwaka uno maziso ose achange akatarira kuda kuona kuti ndeupi mutambi achaita zvinorova onwisa ka20 muligi.

Vatambi vakaita saRodreck Mutuma weHighlanders, Tsipa, Ntouba Epoupa weDynamos naFranciso Zekumbawire weZPC Kariba ndevamwe vachange vachitarisirwa kurwira Golden Boot.

Paongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino takatarisa log yevhiki rechina muPSL, zvikwata zvose zvainge zvanwisa ka58.

Chicken Inn – iyo yakagara pechishanu – ndiyo iri kutungamira pakunwisa sezvo yanwisa kasere mumitambo mitatu yayakatamba.

Mumutambo wayo wekutanga, Chicken Inn yakanwisa kashanu apo yakakunda Bantu Rovers 5-0 kozoti wechipiri yakakundwa neBulawayo City 2-1, wechitatu ndokukunda Triangle 1-0.

Chicken Inn inoteverwa neNgezi Platinum Stars, FC Platinum, Highlanders neBulawayo City idzo dzakwanisa kunwisa kashanu chete pachikwata chimwe nechimwe.

Ngezi yanwisa kashanu mumitambo mina kozoti FC Platinum yazviita mumitambo mitatu, Bosso ikanwisawo mumitambo mitatu uye Bulawayo City yatamba mina.

Black Rhinos, iyo yakadzoka muPSL gore rino, yakwanisa kunwisa kana uye iri pamusoro pezvikwata zvimwe zvikuru pakunwisa zvinoti Dynamos iyo yanwisa katatu neCAPS UNITED yanwisa katatu zvakare mumitambo yePSL mitatu.

How Mine – iyo inorairidzwa naKelvin Kaindu – ndicho chimwe chezvikwata zvanwisa katatu mwaka uno pamwe neBantu Rovers.

Mwaka uno zvikwata zvanwisa kaviri chete kusvika parizvino zvinoti Tsholotsho FC, Triangle United  neChapungu United.

Zvikwata zvakasenga ligi zviri pasi zvinoti Shabanie Mine neHarare City zvanwisawo kamwe chete mumitambo mina yazvatamba.

Zvakadai, kana tichienzanisa zvikwata zvemuno nezveligi rekuEngland pavhiki rayo rechina zviri 20 zvakakwanisa kunwisa ka106.

Manchester City ndiyo iri kutungamira yanwisa ka11 ichiteverwa neChelsea neLiverpool izvo zvakwanisa kunwisa kapfumbamwe pachikwata chimwe nechimwe.

Asi matambiro ari kuita zvikwata zveligi reAbsa Premiership kuSouth Africa haana kunyanya kusiyana nezvemuno sezvo zviri 16 zvanwisa ka52 mumitambo mina yakatambwa.

Share This:

Sponsored Links