Nedrip irrigation kurima nyore

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Nedrip irrigation kurima nyore

Kwayedza

Buhle Nkomo —
KETIE Chapata (43), uyo anove murimi wekumapurazi madiki neari pakati nepakati kuOdzi, kudunhu reManicaland anotaridza mufaro mukuru mushure mekunge aisirwa madiridziro edrip irrigation nekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB).

“Ndiri mudenga rechinomwe chairo nemufaro! Izvi zvinoreva goho guru, chirimwa chakanaka nemari yakawanda. Ndinokwanisa kusima fodya yangu kutanga kwaGunyana uye handichamirira kunaya kwemvura yekudenga. Mwaka wapera, ndakatengesa fodya yangu ne$2.50 pakg. Asi nemadiridziro edrip irrigation ndinokwanisa kudyara, kukohwa, kupisa nekuomesa fodya yangu nenguva. Kana chirimwa changu chave kutaridza kuti chinoda mvura, ndinoona zvekuita nacho, ndiro simba remadiridziro emhando yedrip irrigation,” anodaro Chapata.

Anoenderera mberi achiti, “Kurima ndiko kwandinorarama nako nekudaro handikwanise kunge ndichirara nezamu mukanwa, zvikuru apa ndave nemadiridziro aya. Ndichanyorera kuti ndiwane dhirihora rekupisira fodya remhando yerocket barn pamwe nekupinda muchirongwa cheCommand Agriculture.”

Chipata anoti kana kurima fodya kukatadza kubudirira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, anokwanisa kurarama kuburikidza nekuchengeta huku pamwe nekurima zvirimwa zvakaita semuriwo achitengesa izvo akatanga nemari yaakawana mukurima fodya senzira yekuti ange achivandudza raramo yake.

“Mwaka wapera, fodya yangu yakakanganiswa nekupisa kwakanyanya kwezuva pamwe nechirwere chepythium root rot asi ndinovimba kuti nekuwana mvura zviri nyore, zvimhingamipinyu izvi zvinokwanisa kugadziriswa zviri nyore,” anodaro Chabata.

Anoenderera mberi achiti, “Kondirakiti yangu yeTIMB haindisungire kuti ndinge ndichishandisa madiridziro edrip irrigation aya pakurima fodya chete saka ndinokwanisa kudiridza zvakare bindu rangu remuriwo ndichizviwanira mari. Zviri tori nyore kurima fodya kana uchinge uine mari,” anodaro.

Madiridziro edrip irrigation ndiwo akakodzera kushandisa kana zvichitariswa matambudziko ari kusangana nevarimi vefodya munyika yose nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze.

Kushaikwa kwemvura nguva yakareba muchirimwa kunogona kukanganisa goho uye kupedza dambudziko iri, kambani yeTIMB yakauya nechirongwa chemadiridziro edrip irrigation icho chinopa mukana wekuti varimi vawane mari kubhanga yekutenga michina iyi vachizobhadhara chikwereti ichi mukati memwaka miviri.

Varimi vefodya vanokurudzirwa kunyorera kuti vapinde muchirongwa cheTIMB kuitira vawane fodya yepamusoro negoho guru.

Kuti murimi akwanise kupinda muchirongwa ichi, anofanirwa kunge aine paanowana mvura zviri nyore zvakaita sechibhorani, dhamu kana rwizi uye arimawo fodya kwemwaka miviri yadarika.

Kana murimi asingakwanise kupinda muchirongwa cheTIMB ichi asi aine mari yake inove inosvika $1 500 pahekita, anokwanisa kuenda kukambani yeDriptech kana kune imwe kambani yakazvimirira inokwanisa kuti ave nemadiridziro anokodzerana naye.

Apo goho redu refodya repakati nepakati munyika riri 2 200 kgs pahekita, chirimwa chinenge chaita zvekudiridzirwa chinodarika 4 000 kgs pahekita kana zvikaitwa nemazvo. Ichi ndicho chikonzero chikuru TIMB iri kukurudzira varimi kuti vave nemadiridziro edrip irrigation senzira yekuti vange vachifambirana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Drip irrigation yakanaka zvikuru kuvarimi vadiki nevari pakati nepakati avo vasina mvura yakawanda yekushandisa sezvo ichichengetedza mvura uye haidhuri pakuishandisa.

Nedrip irrigation, mvura inoenda pane chirimwa chaipo uye nzvimbo inenge iri pakati pechirimwa chimwe nechimwe inoramba yakaoma zvichiita kuti sora rive shoma.

Rimwe sora rine zvirwere zvarinozivikanwa nazvo izvo zvinogonawo kukanganisa fodya.

Pamusoro pezvo, madiridziro anodzikisa zvikuru kukanganisika kwemashizha epasi neepamusoro efodya uye anoita kuti inge ichiomeswa nyore kana ikakohwewa munguva yekupisa.

Varimi vane madiridziro vanofanira kuve nehurongwa hwavanotevedzera pakudiridza fodya yavo kuitira kuti mvura isazowandisa muchirimwa.

Semuenzaniso, kudiridza mushure mekusima kunofanira kuitwa nguva dzose asi kana fodya yave nehurefu hunosvika mumabvi, panodiwa mwando mushoma kuitira kuti midzi inge ichidzika zvakanaka izvo zvinobatsira zvikuru mukukura kwechirimwa.

Zvakakosha kuziva kuti madiridziro anoshanda zvakanaka munguva yeusiku kana zvichienzaniswa nemasikati apo kunenge kuchipisa zvakanyanya.

Varimi vefodya vanokurudzirwa kuti vanyorere kupinda muchirongwa chemadiridziro edrip irrigation ichi kumahofisi eTIMB ari kumatunhu avo.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 08677004624/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kutibata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links