Lovelle odzungaira naPerez

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Lovelle odzungaira naPerez

Kwayedza

MUMIRIRI waLucas Perez svondo rino akasandura mashoko aakataura ekuti mutambi wake anoda kubva kuArsenal, achiti anoda chaizvo kubudirira kuNorth London.

Rodrigo Fernandez Lovelle akataura nemusi weMuvhuro svondo rino kuti mutambi wake – uyo ane makore 28 okuberekwa – ari kuda kubva kuNorth London nekuchimbidza zvichitevera kutatarika kwaange achiita kuEmirates.

Perez aimbotambira Deportivo La Coruna uye akauya kuArsenal mwaka uno paakatengwa nemari inosvika £17.1 miriyoni. Asi, angokwanisa kutambira chikwata ichi ka19 mumitambo yose uye ari pasi chaipo pevatambi vanotamba muchikwata ichi.

Izvi ndizvo zvakatuma Lovelle kuudza Calcio Mercato bepanhau rekuItaly kuti, “Honai chokwadi ndechekuti Lucas anoda kubva kuArsenal chero zviite sei uye haasi kufara kuchikwata ichi. Haana kugadzikana uye haana kumbowaniswa mukana wakakura wekutamba kuti arakidze zvaanoita.”

Asi achitaura neSportsmail, Lovelle akati mutambi uyu ari kuda chaizvo kubudirira kuchikwata chemuPremier League ichi.

“Lucas ane kondirakiti neArsenal, anoda kubudirira ikoko sezvinongodiwa nemutambi wose.

“Kana mutambi asingatambe haafare, asi tinoziva kuti izvi zvakaoma. Ane kondirakiti yakareba,” akadaro.

Perez ari kudiwa nechimwe chikwata chemuPremier League Everton uye neAC Milan yekuItaly.

Chizvarwa chekuSpain ichi chakanwisa apo Arsenal yakasangana neSutton United mumutambo weFA Cup svondo rino nemusi weMuvhuro. Anogona kutambira Arsenal apo ichasangana neLiverpool kuAnfield musi weMugovera mumutambo wePremier League. – Daily Mail Football.

 

Share This:

Sponsored Links