Mabasa emawoko paEmerald Hill

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Mabasa emawoko paEmerald Hill

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
CHIKORO cheEmerald Hill School for the Deaf, icho chiri muHarare uye chichifundisa vana vasinganzwe nevasingagone kutaura chava kufambirana nechirongwa chegwaro idzva redzidzo reNew Curriculum kuburikidza nekufundisa vana mabasa emawoko anosanganisira kutyaira motokari nekuveza zvakasiyana.

Chikoro ichi ndechimwe chezvitatu zviri munyika zvinofundisa vana vasinganzwe kana kutaura uye chine puraimari nesekondari.

Vakafanobata chigaro chemukuru weEmerald Hill Secondary – Mai Kunyepa Magwere – vanoti vari kushanda pamwe chete nesangano rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi mumugwagwa, reTraffic Safety Council of Zimbabwe muchirongwa chekudzidzisa vana kutyaira motokari.

“Kutyaira hakunei nekuti munhu haanzwe asi kuti maziso, pfungwa nekugona kutyaira ndizvo zvakanyanya kukosha. Vana vasinganzwe kana kutaura vanoteerera zvikuru uye vanoshingirira pachinhu chimwe chete kusvika vachikunda, zviya zvekutokunda vanhu vasina dambudziko remitezo.

“Kana tikawana vanotitsigira panyaya yekutipa motokari, tinobva tatotangisa kudzidzisa vana. Pari zvino vamwe vana vachiri kutoverenga kuti vatore maProvisional Driver’s Licence tichitsigirwa nesangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe,” vanodaro Mai Magwere.

Mai Magwere vanoti dambudziko riripo nderekuti zvinyorwa zvekutyaira zvichiri mumavara echiRungu uye hakuna zvemitauro yemasaini, izvo zvinoita kuti vadzidzi vagume voturikirwa nevarairidzi.

Vanoti vari kutevedza zviri muNew Curriculum kuburikidza nekuitisa zvidzidzo zvemabasa emawoko.

“Tine zvidzidzo zvakadai sekusona, kuveza matombo, kubika, kudhirowa, zvekurima nezvimwe zvakawanda. Tine vadzidzi vazhinji vari kubudirira muupenyu mushure mekufunda pano, vakadai saAgnes Chindima uyo anoita mitauro yemasaini panhau paZBC TV.

“Tine varairidzi vatanhatu vari kufundisa pano avo vakambodzidza pano. Vashandi vazhinji vepano tinotora vanhu vasinganzwe kana kutaura,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti mapurisa neveruzhinji vadzidzire mutauro wemasaini (basic Sign Language) kuitira kuti vakwanise kukurukura nevasinganzwe kana kutaura.

Mai Evellin Mufandaedza, avo vakafanobata chigaro chemukuru weEmerald Hill Primary vanoti chikoro chavo chepuraimari nechesekondari ndizvo bedzi zvine vadzidzi vasinganzwe kana kutaura vanonyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) nedzeHexco.

Pakashanyirwa chikoro ichi neKwayedza svondo rapera, vamwe vevana vakanga vari mushishi kunyora bvunzo dzavo.

Chikoro ichi chinofundisa vana vakaremara kubvira pagwaro reECD.

“Tinokurudzira vabereki kuti vakurumidze kuunza vana vavo kuzodzidza vachiri vadiki. Kana vana vakafundiswa mitauro yemasaini vachiri vadiki zvinoita nyore kuti vakurumidze kubata.

“Tinoda rutsigiro rwemakombiyuta nemaprojector kuti tifambise chirongwa cheNew Curriculum nemazvo nekuti vana vedu vanodzidza nekuona uye kuita munguva zhinji,” vanodaro.

Zvakadai, ongororo yakaitwa neUK-Education inoratidza kuti chikamu che90% pakutyaira chinoda kuti munhu ange achiona nokudaro kuva munhu asinganzwe hazvirevi kuti anokundikana kutyaira uye pane muenzaniso waIch Komme uyo asingazwe kana kutaura asi achityaira zvine mbiri kunyika yeUnited Kingdom.

Vamwe vevasinganzwe vanoshandisa midziyo yakadai semahearing aids zvisinei nekuti vazhinji vanokundikana kuatenga nepamusaka pemitengo yawo iyo iri pamusoro.

Zvakadai, nomusi wa29 Mbudzi achange ari makuwerere makuru paEmerald Hill School for the Deaf apo veruzhinji vari kukokwa kuti vazoona mabasa ari kuitwa nevana uye varairidzi vepo pazuva reOpen Day.

Mwedzi wadarika, chikoro ichi chakaita mutambo wefundrasing dinner pane imwe hotera muHarare nechinagwa chekuunganidza mari inosvika $10 000 yekuvakisa chimbuzi chevarairidzi veECD nekusimudzira zvimwe zvivakwa uye chakawana $7 000 pachiitiko ichi.

Pari zvino chikoro ichi chine vana 298 vepuraimari, 115 vesekondari nevashandi 25.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey