Mabhidhiri ngaapere!

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Mabhidhiri ngaapere!

Kwayedza

SVONDO rino tinayo zvakare nyaya iri kupisa mazuva ano, nyaya yemamwe maporofita, ma”prophets” nen’anga vanonzi vari kutenga vamwe vanhu kuti vapupure kana kureurura zvemanyepo senzira yekutsvaga mbiri kuti vagonzi vanogona kushandira nekubatsira veruzhinji mumatambudziko akasiyana.

Kutengwa kunoitwa vanhu ava kunozivikanwa nekuti mabhidhiri sezvo vanozobhidhirika-bhidhirika apo vanenge vachipupura kana kureurura zvenhema kumachechi, kumasowe kana mumitambo yechivanhu.

Kwayedza svondo rapera yakaburitsa nyaya iyi kekutanga apo vamwe vanhu vaitaura kuti mabhidhiri ariko uye ari kuitwa nemaporofita, maprohets nen’anga.

Munyaya yedu yesvondo rino, tine mumwe madzibaba anotungamira imwe chechi uyo ari kuti vanhu vanoitiswa zvemabhidhiri ava vanotodzidziswa kuti vanozoita sei apo vanenge vachireurura nekupupura nhema.

Chinangwa chemaporofita, maprophets nen’anga vari kuita zvemabhidhiri ndechekuti vaite mukurumbira kuitira kuti vanhu vaende kwavari vachida kubatsirwa mumatambaudziko avo akasiyana apo vanenge vachifunga kuti vari pachokwadi zvinove zvisiri izvo.

Vamwe vacho vari kuzvishambadza apo panenge pachipupurwa nevanhu vanoti vakashandirwa zvikaita.

Zviri pachena kuti kune vamwe vanhu vave kuda mari zvakadarikidza. Chokwadi munhu angazviti muroyi, mbavha kana pfambi nekuda mari zvakadaro?

Kana zvikanzi izvi zviri kukonzerwa nehurombo, zvazonyanya. Zvakakosha kuziva kuti maporofita, maprophets nen’anga dzechokwadi variko.

Havazi vose vari kuita zvemabhidhiri nekudaro zvave kuda kuti veruzhinji vanzvere uye kuti vangwarire pavanenge vachitsvaga rubatsiro kuvarapi vechivanhu nevemakereke.

Zvinoshamisa kunzwa kuti munhu anozvipira kuzvibisa zita rake achizviti muroyi kana pfambi nenyaya yekuda mari chete. Kutofamba akashama nekuda mari?

Humwe husimbe chete huri kukonzera kuti vanhu vadai uye vamwe vacho vari kuzobuda pachena mushure mekunge vanyimwa mari yavanenge vavimbiswa apo vanoita mabhidhiri.

Maporofita nen’anga vari kuita zvemabhidhiri ndivozve vanoita zvehutsikamutanda apo vonorozva vanhu upfumi hwavo vachinyepera kuti vabvisa zvikwambo.

Vakadai ava vari kukonzera nyonga-nyonga pamwe nekupesana mumhuri apo vamwe vanonangwa huroyi izvo zvinokonzera kusagadzikana mumhuri.

Vanhukadzi vanonziwo vari panyatwa sezvo vari kupedzisira vobatwa chibharo kana kumitiswa apo vanenge vachinzi vari kushandirwa kana kuuchikwa.

Zvinorwadza kuona vanhu vachitamba nezita raMwari apo vanopupura nekureurura manyepo nenyaya yekuda mari chete.

Shoko raMwari rinoti Mwari vanotsvaga vanomunamata mumweya nemuzvokwadi kwete kuda kutsvaga mbiri nekunyengedza vanhu.

Semaonero edu, masangano anomirira varapi vechivanhu nevemakereke anofanira kutora matanho akasimba ekuranga avo vanoraudzira vachibira pamwe nekunyengedza veruzhinji.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey