Uncategorized

Mabhindauko opundutsa vanasikana

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Mabhindauko opundutsa vanasikana

Kwayedza

Victoria WaIshe —
MUSIKANA wechidiki, Sibongile Majaura (14), ari kuita bhindauko guru rekuchengeta huku izvo zviri kumubatsira kuenderera mberi nedzidzo yake uye anotenda sangano reUNFPA neSista2Sista Club netsigiro yaanopihwa.

Aine makore 11 okuberekwa, Sibongile akange aine mikana mikuru yekusiira chikoro panzira izvo zvaizoita kuti akasike kuroorwa asati abva zera zvichikonzerwa nenzara nehurombo.

Asi mumakore matatu akatevera, Sibongile akakwanisa kuburirira mudzidzo yake apo ainge oita bhizimusi rekuchengeta huku.

Mabhindauko ekuchengeta huku ayo ari kuitirwa kuRichmond, mudunhu reMakonde ari kubatsira vanasikana kuti vange vachipunduka munyaya dzedzidzo.

Vanasikana vakawanda vakaita saSibongile vari kutarisana nematambudziko akadai zvichikonzerwa nehurombo hwakanyanya uye dzimwe tsika nemagariro akashata izvo zvinoita kuti – zvikuru vekumaruwa – vawanikwe vachiroorwa vasati vabva zera kana kusiira chikoro panzira. Asi nekuda kweruzivo urwo rwakakushwa nesangano reSista2Sista Club, rinova sangano rinotsigira vanasikana pamwe neUNFPA, Zimbabwe iri kufambisa chirongwa ichi chichitsigirwa neBritain, Ireland neSweden.

Mikana yekusiira chikoro panzira:

Sibongile anogara nevemhuri yake kuRichmond uko vanhu vemunharaunda vanorarama nekurima.

Mugore ra2011, amai VaSibongile vakarwara zvikuru nemaronda emudumbu apowo baba vainetseka nechirwere cheasthma izvo zvakavakanganisa kurima. Izvi zvakakanganisawo dzidzo yaSibongile uyo aigarodzingwa kuchikoro nekuda kwekusabhadharirwa mari yefizi.

“Ndaigara ndisina mufaro nekuti ndaigona chikoro ndichiita nhamba 1 kana 2 asi ndakagumisira ndava kufoira nekuti ndakanga ndisisadzidze zvakakwana nekuda kwekushairwa mari,” anodaro Sibongile.

Zvishuviro zveupenyu:

Mugore ra2014, Sibongile akapinda muchirongwa cheSista2Sista Club icho chakaparurwa muna 2013.

Sangano iri rinobatsira vanasikana vachiri kuyaruka nekuvapanga mazano pamusoro pematambudziko avanosangana nawo.

Vanofundiswa zvakare nezveutano hwesikarudzi, kodzero dzavo, kukosha kwedzidzo, kuchengetedza mari uye kuipa kwenyaya dzekumbunyikidzwa.

Sibongile akava mumwe wevana 16 avo vanotambura vakapinda muchirongwa ichi vachifundiswa naMaita Maoyise. Chikwata ichi chakadzidza zvinhu zvakasiyana sekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, utano, dzidzo nekuchengetedzwa kwemari zvinova zvimwe zvakafarirwa nemhuri yanaSibongile.

“Ndadzidza kuti ndine zvimwe zvinhu zvandinogona kuita kuti ndibatsirikane muupenyu hwangu,” anodaro Sibongile.

Maoyise anoti vanasikana vazhinji vari munharaunda iyi vanosiira chikoro panzira nekuda kwenhamo kana kuroorwa vachiri vadiki uye nhau dzekupihwa pamuviri.

“Ndiko kusaka takaumba sangano reSista2Sista kuti vechidiki vange vachizviitira mabhindauko anovapa mari kuti varwise nzara nehurombo,” anodaro.

Mabhindauko:

Sibongile akaita hurukuro naMaoyise kuti akwanise kuunganidza mari yechikoro. Vakataura nezvemabhindauko akasiyana asi Sibongile akati aikwanisa kuchengeta huku. Amai vake vaichengetawo huku kumba nokudaro akati ane ruzivo rwekuti dzinopfuyiwa sei asi dambudziko raive remari yekutanga nayo.

Maoyise akataurira murongi mukuru wesangano ravo nhoroondo yaSibongile achibva amupa pakiti yemajiggies ekuti atengese kuti agowana mari. Akaratidza kuva mwana ane njere apo akakwanisa kuunganidza $15 achibva atenga huku mbiri dzechivanhu, jongwe nesheshe, izvo zvaiita $10. Sheshe yakabva yakandira mazai akawanda ayo aakatengesa ne$5 uye kufamba kwaiita bhizimusi iri kwakamubatsira kuti akwanise kubhadhara mari yechikoro pamwe nekutenga mayunifomu.

“Mwana wedu akatiitira zvinhu zvinoshamisa nekuti akakwanisa kusandura upenyu hwake kuburikidza nekushanda nesimba,” anodaro Lidia anova amai VaSibongile.

Amai vaSibongile vari kubatsira mwana wavo kuti bhindauko rake rifambe, zvikuru apo anenge ari kuchikoro.

Nekuda kwekufambira mberi kwebhizimusi rekuchengeta huku, Sibongile haachadzigwa kuchikoro uye ava kutokwanisa kubhadhara mari yechikoro yehanzvadzi yake ine makore 11 pamwe nekutengera mhuri zvimwe zvinodiwa mukurarama kwavo.

Amai Chitana, avo vanova mumwe wevarairidzi paRichmond Primary vanotenda Sista2Sista nekubatsira vana vanotambura.

“Takaona kuderera kukuru kwevana vaisiira chikoro panzira, zvikuru vanasikana kuburikidza nerutsigiro rwavari kuwaniswa neSista2Sista. Somuenzaniso, muna 2012 takaita vanasikana vasere vakanyora bvunzo dzavo asi gore rino tine 37. Izvi zvinoratidza kuti vanasikana vari kutsigirwa,” vanodaro.

Sibongile ari kutarisira kuenderera mberi nedzidzo kusvika kuyunivhesiti uye anoda kuzova mu- rapi.

“Ndakadzidza kuti handifanire kumhanyira kuroorwa asi kukoshesa dzidzo yangu,” ano- daro.

Parizvino ava nehuku pfumbamwe dzinosanganisira machongwe maviri nesheshe nomwe uye akatovaka chikwere chehuku chakakura.Sibongile anoti anotarisira kudzidza zvakawanda maringe nezvekubaiswa kwehuku uye kuti ange achivandudza bhizimusi iri kuti rikure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>