Mabhuku matsva aGunduza

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

VICE-CHANCELLOR veUniveristy of Zimbabwe, Professor Levi Nyagura, svondo rapera vakarumbidza mabhuku matsva anosvika 17 akasiyana akanyorwa nevadzidzi pamwe nevarairidzi vepaUZ vachiti achabatsira zvikuru mukusimudzira dzidzo munyika.

Mumwe wevanyori vemabhuku aya ndiMunyaradzi Gunduza, uyo akabura mabhuku maviri ayo akaparurwa pachiitiko ichi anoti Gwatakakwata reNhetembo neHodzeko Yenduri.

Muhurukuro neKwayedza, Prof Nyagura vanoti yunivhesiti yavo iri kubura shangwiti dzefundo dzinosanganisira vananyanduri.

“Yunivhesiti yedu iri kuedza nepainogona kubatsira kurwisa matambudziko ari munyika yedu. Pane here asingazive kuti nyaya yehuwori yanetsa muno uye inogara ichitaurwa nezvayo nguva nenguva?

“Tine bhuku rakanyorwa nemurairidzi wepano rinotaura nezvekurwisa huwori iro ratinofunga kuti rikatevedzerwa zvizere, richabatsira zvakanyanya mukurwisa huwori.

“Tozoita rimwezve bhuku rinotaura pamusoro pechirwere chemhezi. Mhezi dzinonetsa asi nyanduri webhuku iri akadzika-dzika ndokuita tsvakurudzo dzake dzechirwere ichi kusvika anyora bhuku iro ratinofunga kuti rikaverengwa richabatsira chaizvo kurwisa chirwere chemhezi,” vanodaro Prof Nyagura.

Mabhuku maviri akapepetwa naGunduza — Gwatakwata reNhetembo neHodzeko Yenduri — akanyorwa nevadzidzi vepaUZ.

Achitaura pamusoro pemabhuku aya, Gunduza anoti: “Anokurudzira mutauro weShona kuti urambe uchidzidzwa muzvikoro uye tinovimba kuti achadzidzisa vana kunyora nhetembo.”

Hodzeko Yenduri rine nhetembo dzine madingindira anosanganisira huwori, nzara, upenyu hwevanhukadzi, rufu nerudo.

Share This:

Sponsored Links