Mabhuku matsva eCollege Press

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MABHUKU matsva eVentures Mathematics neScience ECD B Learners’ Book akatsikiswa neveCollege Press Publishers nedonzvo rekutsigira zviri mugwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.

Pamabhuku aya, pane maviri evana uye remudzidzisi. Bhuku revana rekuverenga – Ventures Mathematics and Science ECD B Learners’ Book – rakatarwa mifananidzo yekuti vana vaverenge kusimbaradza zvidzidzo zvavo uye pane tsananguro yakapiwa kubatsira mudzidzisi kuti vana varodze pfungwa dzavo.

Bhuku revana rezviitwa – Ventures Mathematics ECD B Work Book – rinovapa mukana wokuti vave nedzokororo yezvidzidzo vachishanda vari voga, vachinyora kana kutara mifananidzo.

Rine ongororo zvakare inoitwa nemudzidzisi pachidzidzo choga-choga senzira yekuratidza unyanzvi hwemwana.

Bhuku remudzidzisi – Ventures Mathematics and Science Teachers Guide – rine hurongwa hwakajeka hwakapiwa takatarisana nechidzidzo choga-choga.

Izvi zvakapiwa takatarisana nevhiki yoga-yoga zvinova zvinorerutsira vadzidzisi.

Donzvo rebhuku reMathematics and Science ECD B kuumba hwaro hwakasimba muvana takatarisa zvidzidzo zvirimo.

Pamusoro pezvo, donzvo renyika rekusimudzira zvidzidzo zveSTEM rakasimbaradzwa zvakanyanya muzvidzidzo izvi.

Mabhuku aya akanyorwa neunyanzvi zvinova zvinoita kuti vadzidzi vabatsirwe kurodza pfungwa dzavo, kugadzira zvinobatsira muupenyu, kushanda pamwe chete uye kukoshesa nzvimbo kana nharaunda dzavo.

Nyaya dzeutano uye tsika nemagariro zvakasimbaradzwa mumabhuku aya. Mabhuku eVentures Maths and Science haafanire kushaikwa muvana vedanho reECD B!

Share This:

Sponsored Links