Mabhuku matsva eShona o-level

04 Feb, 2016 - 21:02 0 Views

Kwayedza

 Munyaradzi Gunduza
ZITA rangu ndinonzi Munyaradzi Gunduza. Ndakakatangira zvidzidzo zvangu kwaMurehwa, ndikazoenda kwaMutare. Mushure mezvo ndakazoenda kuHarare kwandakaitira kwandakadzidza paGlen View 2 Secondary School uye A-Level paGlen Norah 1 High School. Ndakapfuurira mberi kunoita zvidzidzo zvepamusoro paUniversity of Zimbabwe. Ndakapedza zvidzidzo zvangu zvedhingirii rekutanga. Pari zvino ndiri kuita rimwe dhigirii repiri neyunivhesiti imwe chete iyi.

Ndatsikisa mabhuku akasiyana-siyana anosanganisa nganonyorwa nemamwe anoshandiswa pakudzidza muzvikoro. Mamwe acho ndeaya: Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level, Bhuku Rekutanga; Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level, Bhuku Rechipiri; Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level, Revised Edition; The Song of Time Poetry & Short Stories uye Power and Factionalism in Guta Ra Mwari.

Panguva diki diki inotevera ndiri kuburitsa mamwe emabhuku angu anoti, Ongororo yeNhetembo neMabhuku: Shona O-Level (Nov 2017 – June 2019 setbooks commentary); Mhinduro Yemutauro: Shona O-Level (Revision Guide) uye Dzidzai Kuongorora Mabhuku neNhetembo Fomu 1-4 (supplementary textbook). Ruzivo rwangu mukuongorora nhetembo nemabhuku ndakaruwana pazvidzidzo zvangu zvepamusoro zvandakaita ndave kuyunivhesiti, mabhuku ese akanzi Mhinduro Yeuvaranomwe ayo aiongorora nhetembo nemabhuku akanga neachiri kudzidzwa padanho reO-Level kuShona.

Vana nevarairidzi makasununguka kundinyorera kana pane zvamunoda kuti tibatsirane muchishandisa Email yeKwayedza inoti: [email protected]

Ngatifambe tose paO-Level.

NHANGANYAYA

Muchikamu chino chezvedzidzo yeShona padanho reO-Level tichange tava kukupai ongororo yenhetembo nemabhuku ari kudzidzwa kuShona mumativi mana enyika padanho reO-Level. Tichatanga nemabhuku ari mubvunzo dzinotanga Mbudzi 2017 kusvika Chikumi 2019, ari kuverengwa nemafomu 2 ne3 gore rino. Mabhuku ose atichaongorora mashanu, anosanganisa nhetembo dziri munaMutakunanzva Wenhetembo, engano dzepasichigare, Museve Usingapotse naPfuma Ndeyamaoko uye maviri ekupedzisira enyaya itsva, Dare Retariro naKereke Inofa. Mabhuku aya akaziviswa zviri pamutema neCircular number 17 of 2015 nevebazi rinotungamira zvebvunzo reZIMSEC musi wa8 Chikumi 2015. Kunhetembo muchadzidza kuongorora zvinhu zvinosanganisa zvinofarirwa navananyanduri, tsananguro yenhetembo dzacho (zvadzinoreva/dingindira), zvidavado nemashandisirwo azvo, fanano nesiyano yenhetembo dzanyanduri mumwe chete kana kupfuura, madingindira nekutsigirwa kwawo, mapindurirwo emibvunzo yenhetembo nezvimwewo.

Kumabhuku muchadzidziswa zvimwe zvezvinhu zvinoti: kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya/mutambo/rungano, vatambi, madingindira, makakatanwa, matambudziko, zvidzidzo, tsika nemagariro, rongetedzo yenyaya, kutendeseka nekusatendeseka kwenyaya, nzvimbo nemwaka, mapindurirwo emibvunzo yemabhuku nezvimwewo.

Zvese izvi, zvichaongororwa pachishandiswa bhuku rimwe nerimwe raapihwa pamusoro. Chinangwa chikuru ndechekuti muwane pekutangira kuita gadziriro yebvunzo.

Ngatifambei pamwe chete!

Share This:

Sponsored Links