Mabikirwo emasoya minzi

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Mabikirwo emasoya minzi

Kwayedza

Zviri muGapu
SVONDO rino Mai Mhosva vekuGlen Norah, muguta reHarare, vanotitsanangudzira mabikirwo chaiwo emasoya minzi.

ZVINODIWA:

Soya minzi, hanyanisi, matomatisi, Royco, munyu nemafuta.

Isa komichi imwe chete yemasoya minzi mumvura inopisa kwemaminitsi mashanu.

Nyurura masoya minzi mumvura inopisa woasvina.

Pisa mafuta akafanira mupoto wokanga masoya minzi.

Kanda munyu wakafanira, wosiya zvitsvukire.

WOZODINI?

Kanga hanyanisi nematomatisi parutivi woisa Royco.

Kana muto wako waita unogona kuchisanganisa nemasoya minzi kana kuiisa parutivi.

Nakirwa hako uchidya nesadza kana mupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.

Share This:

Sponsored Links