Mabikirwo embambaira

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Mabikirwo embambaira Mbambaira dzakabikwa

Kwayedza

VANHU vazhinji vanofarira kudya mbambaira zvikuru, kunyanya kana vachinwira-nwira nesvutugadzike kana nemvura. Svondo rino Mai Anna Stella Chipongo vekwaMutare, vanotsanangurira mabikiro avanoita mbambaira.

Zvinodiwa:

Geza mbambaira nemvura yakachena nekuti dzinogona kunge dziine ivhu. Unogona kudzibvisa ganda rekunze kana kubika dzakadaro. Chicheka mbambaira kuita zvidimbu zvakafanira.

Wozodii?

Isa mbambaira mupoto yakachena. Kanda twumunyu nemvura yakafanira. Siya dzikwate kwemaminitsi gumi. Kana dzaibva dzinoonekwa nekuita ruvara rwakatsvukira mukati. Chibura unakirwe pamwe chete nemhuri.

Vamwe vanofarira kudya mbambaira vachiita dzekuseva mumuto wenyama.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753

 

 

Share This:

Sponsored Links