‘Madhamu vangu ma1’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekugarotomutswa neaimbove mudzimai wake uyo anonzi anoenda kubasa kwaanoshanda achinoita mhirizhonga nevakuru vake akazotizira kudare.

Donald Tagarira akamhan’arira Prisca Nyemba kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekuuya kumba nekubasa kwake.

“Ndauya neaimbova mukadzi wangu, ndinoda kuti asandituke pese patasangana uye asasvike kumba kwandava kugare kana kubasa kwangu nekuti ari kukanganisa upenyu hwangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti akatopiwa tsamba yeyambiro kubasa kwake nekuda kwaNyemba zvichitevera mhere-mhere yaakaita achiti anoda kuona mukuru wepabasa pake.

“Akauya kubasa kwangu akaita ruzha achiti anoda kuona mukuru webasa izvo zvakaita kuti ndipiwe tsamba yeyambiro yekuti zvikaitika zvakare ndinogona kudzingwa basa,” anodaro Tagarira.

Anoti akasiyana naNyemba nekuti haagarikike naye nekuda kwemhirizhonga.

“Takasiyana nekuti rimwe zuva akabata foni yangu uye hameno zvaakafungira kuti aona akandibatira banga akadazve kundidira mvura inopisa, hunhu hwake hwakaita kuti ndibve pamba,” anodaro.

Nyemba anopikisana nezvose zviri kutaurwa naTagarira achiti pavanonetsana ndiye anenge amutanga.

“Ndinoramba zvese zvaari kutaura nekuti iye ndiye anotanga kupopotedzana neni zvekuti ndinenge ndava kungodzoserawo mashoko ake nezvandinenge ndichiona kuti ndizvo zvakakodzera,” anodaro.

Anoti kubasa kweaimbove murume wake uyu akangoenda kamwe chete achida kuti pakati paTagarira neshamwarikadzi yake pawane mumwe anochinjwa pekushandira kuitira kuti vasaonane.

“Iye neshamwarikadzi yake vanoshanda pamwe chete saka ndakaenda kubasa kwake ndichida kuti pakati pavo pawane mumwe anochinjwa pekushandira,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Tagarira gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links