MADIMIKIRA NASEKURU MAN’ORO

06 Jul, 2014 - 07:07 0 Views

Kwayedza

MADIMIKIRA NASEKURU MAN’ORO
MAKEREKE nezvitendero muZimbabwe isaraude. Chitendero chemumwe nemumwe munhu chakakosha kwaari. Saka tose nezvitendero zvedu tine vavariro yekugonera Mwari. Sekuru vasarudza ngoma inoti, “pangu pangu”. Rwendo rwuno tati timbotarisana nemutauro unodimikira unonyanyoshandiswa mumakereke. Muenzaniso ndeunoti, “Baba vozvomweya” zvichidimikira vakuru vakuru mukereke. Kumwe vanoti, “Kuva Mai Maria musande”, zvichireva munhukadzi ane tsitsi dzakanyanya. Zvikanzi navamwe, “Kurohwa neshamhu yemutowa” vanodimikira kuti ucharangwa zvinorwadza mushure mokutadza. Heanoi mamwe:
1.    Kudyiwa nemwaka – watadza kubata nguva dzeminamato.
2.    Kuita madeenyama – kuita zvinofadza nyama seupombwe.
3.    Kuteura – kuita munamato.
4.    Kuenda pandaza – kuenda pakunamata nenguva.
5.    Munamato wokumabvazuva – munamato wakanaka.
6.    Munamato wekumadokero – munamato wokushuvira zvakaipa kune mumwe.
7.    Kugarwa naRigion – kuva mutadzi mukuru.
8.    Hondowe – musiki/Mwari
9.    Vafudzi vehwai – vatungamiri vekereke
10.    Vazwi vengoni – vaporofita
11.    Makwai – vatendi
12.    Kuva nemarambadenga – kuita zvinokutadzisa kupinda denga.
13.    Madowani – vatendi vechidiki.
14.    Kudyiwa netsanangudzo – kuipirwa nezvinhu nokuda kokutadza kutevedzera zvakarehwa nemweya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey