MADIMIKIRA NASEKURU MAN’ORO

11 Jul, 2014 - 15:07 0 Views

Kwayedza

MADIMIKIRA NASEKURU MAN’ORO
VAKURU vanoti kuudza mwana hupedzisira uye dzokororo ine simba. Rwendo rwuno ndati timboti dzokororei kubata madimikira anowanza kuvhiringidzwa kana kuvhiringa vanyori vebvunzo dze O-Level nokuda kwekufanana kwaakaita. Heyo tsoro yacho:
(1) Kuita ushamwari nemhepo/kucheka mhepo/kuva ndege. Uku kose kumhanya chaizvo. Kuita chitsoka ndibereke/kurova gotsi nechitsitsinho/kubereka tsoka. Kose uku kumhanya asi uchitiza njodzi, zvichida uchiita zvekutandaniswa.
(2).  Kurovera moyo padombo – uku kuzvishingisa, zvichida kufamba nemusango rine zvikara. Asi kuruma rundebvu – uku kushingirira kuita chimwe chinhu kunyange zvichirema.
(3). Kuita mushandira pamwe semajuru/semadzimai emubatanidzwa – uyu muonerapamwe sechuma chemuzukuru/seinda muimvi dzambuya.
(4).  Kubata jongwe muromo – uku kumukira rwendo kana basa, asi kumira negumbo rimwe sejongwe – kusagadzikana uchida kuenda.
(5).  Kurwa semvumba (inorwisa chaizvo nyangwe iri yoga)/Kuita chirwirangwe senyuchi – uku kukutsira.
(6).  Kuora moyo – uku kurasa tarisiro/Kuzvidya moyo – uku kushushikana pamusoro pechimwe chinhu, zvichida warambwa nemudikani.
(7).  Kuva bete – uku kuva munhu anotya asi kuita bete rawira mumukaka – kuti kwawaenda wononakirwa zvokusadzoka.
(8).  Kuisa mawoko – uku kuombera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey