Madyarirwo embeu yefodya

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Madyarirwo embeu yefodya MBESA yeKRK26 iyo yakarimwa kuburikidza nemadiridziro edrip irrigation.

Kwayedza

Wonder Chakanyuka
VARIMI kuti vakohwe fodya yemhando yepamusoro inovawanisa muripo wavanogutsikana nawo kumisika pakuitengesa zvinotangira pambesa yakanaka. Nekudaro nyanzvi dzezvekurima fodya dzinokurudzira kurimwa kwenhondo dzine hutano uye dzinokura zvakaenzana. Varimi vefodya yemadiridziro vakatotanga kumwaya mbeu zuva rekutanga raChikumi.

Ukuwo mbeu yefodya yekurima nemvura yezhizha iri kumwaiwa kubva kutanga kwaChikunguru kusvikira svondo rekutanga raGunyana zvichienderana nekunorimira murimi. Varimi vari kumatunhu akaderera uye anopisa vanofanira kunonoka kumwaya mbeu yefodya.

Muchinyorwa chino varimi vanodzidziswa maererano nezvinodiwa pakurima mbesa pahekita imwe chete yemunda wefodya. Kana muchishandisa mushonga weMetham Sodium (Herbifume), huwandu pahekita imwe chete hunofanira kuita marita 22. Yeukai zvamunofanira kuita kana mosanganisa mushonga wacho.

Diridzai zvakasimba pakagadzirirwa kumwaya mbeu kwemazuva manomwe musati madiridza nemvura yakasanganiswa nemushonga. Apa, varimi vechiki vanokurudzirwa kudiridza vachishandisa michina yeMoneyMaker Manual Irrigation Pumps inotengeswa nekambani yeBlagdefields Marketing iyo iri nyore pakushandisa.

Mudhumeni John Madiro vanoti varimi vanofanira kusanganisa mushonga weMetham Sodium (Herbifume) 100 ml nemarita 41 emvura vodiridza pasquare metre (m2).

Vharai netende repurasitiki risina maburi kwemazuva manomwe. Panguva yekushandisa, panofanira kunge paine mwedzi musati mamwaya mbeu. Zvipembenene uye zvirwere zvamunofanira kutarisira zvinosanganisira manematode nesora. Kana muchishandisa mushonga weBasamid GR, huwandu pahekita imwe chete hunofanira kuita 14 kgs.

Pamasanganisirwo emushonga uyu, diridzai nzvimbo yamuchamwaya mbeu zvakasimba kwesvondo rose mozomira kwemazuva matatu musati mamwaya mushonga. Mwayai 60g pasquare metre yemushonga motimbira nebadza zvakadzama. Diridzai mumashure nemvura zvakasimba movhara netende replastic risina maburi kwemazuva manomwe.

Panguva yekushandisa mushonga uyu, ngapave nemwedzi musati mamwaya mbeu. Zvipembenene uye zvirwere zvamunofanira kutarisira zvinosanganisira manematode nesora. Kana muchishandisa mushonga wemhando yeVelum 500SC, huwandu ngauve 60 ml pahekita imwe chete.

Sanganisai 10ml kusvika 15ml yemushonga uyu nemarita 60 nemvura modiridza muhomba (30m2). Zuva rinotevera chimwayai mbeu. Munokwanisa zvakare kutanga kumwaya mbeu mozotevera kudiridza nemvura ine mushonga.

Shandisai mushonga uyu pachine zuva rimwe chete musati mamwaya mbeu kana kuti mushure mekumwaya mbeu. Zvipembenene kana zvirwere zvinosanganisira manematode zvakare. Tinoenderera mberi nechinyorwa chino svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links