Madzibaba Ishmael tomuyanika -l Ari kuvaka musha kwaMurehwa

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Madzibaba Ishmael tomuyanika -l Ari kuvaka musha kwaMurehwa LEONARD Chokurongerwa achitaridza imba iri kuvakwa nemukoma wake, Ishmael Chokurongerwa, kwaSabhuku Makombe, kwaMurehwa. - Mifananidzo: Memory Mangombe.

Kwayedza

LEONARD Chokurongerwa achitaridza imba iri kuvakwa nemukoma wake, Ishmael Chokurongerwa, kwaSabhuku Makombe, kwaMurehwa. - Mifananidzo: Memory Mangombe.

LEONARD Chokurongerwa achitaridza imba iri kuvakwa nemukoma wake, Ishmael Chokurongerwa, kwaSabhuku Makombe, kwaMurehwa. – Mifananidzo: Memory Mangombe.

MUPOROFITA uya wechechi yeJohane Masowe weChishanu, wekuBudiriro, uyo pamwe chete nenhengo dzake vakarova mapurisa, vatori venhau nevakuru vesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe(ACCZ), Madzibaba Ishmael Chokurongerwa (45) ane chitupa uye anobva kwaMurehwa uko ari kutovaka musha wake kwete kuWedza kana Mhondoro semamwe mashoko akambobuda.

Kwayedza neMuvhuro svondo rino yakashanyira kumusha kwaMadzibaba Ishmael ndokuita hurukuro nehama dzake pamwe chete nasabhuku wemusha unobva muporofita uyu, uyo akatsinhira kuti murume uyu ane nechitupa, kusiyana nemashoko aimboti haana chitupa.

Madzibaba Ishmael anobva mubhuku raMakombe, kuChigogodza kwaSadunhu Chitopi, ishe ari Mangwende, kwaMurehwa. VaJeremiah Makuvire (70), avo vanova Sabhuku Makombe, vanoti Ishmael akauya kwavari achida nzvimbo yekugara semwana wemumusha mavo akavapa chitupa chake chine chine zita rekuti Ishmael Chokurongerwa icho chine nhamba dzinoti 63-938774R-47 dzinova nhamba dzavakanyora mubhuku ravo remusha (village record book). Mubhuku iri zita ra Ishmael riri panhamba 43 pavanhu vemumusha uyu.

Izvi zvakaburitsa pachena kuti Madzibaba Ishmael anogona kunge aikurudzira vatenderi vake kuita zvinhu zvaakange asingatevedzeri iye sezvo vanamati vake vanonzi havana zvitupa pamwe nekunzi havafaniri kugara dzimba dzakavakwa nesamende.

Imba iri kuvakiswa nemuporofita uyu iri kushandiswa simende asi iye, pasi pemhiko dzake 23, achirambidza vanamati vechechi yake kuti vasiyane nekuisa simende mudzimba dzavanogara asi kudzurura nendove kana neivhu.

“Ishmael Chokurongerwa ndinomuziva chaizvo, mwana wemuno mumusha. Vanababa vevanhu ava vakauya muno vakawanda vachibva kwaMudzimurema, kwaChihota vakazombogara kwaRusike ndokuzouya muno mumusha mangu mugore ra1966. Hapana wemhuri iyi asina chitupa, vose vanazvo,” vakadaro S abhuku Makombe.

Vanoti vakatoshamiswawo kunzwa kuti Madzibaba Ishmael nevamwe vake vainge varwisa mapurisa nevatori venhau kuHarare uye pakaitika mhirizhonga yekuBudiriro, muporofita ane chironda chisingapore pamuromo wepazasi uyu akanga achangobva kumusha uko ainoona basa rekuvakwa kwemba yake.

Sabhuku Makombe vanoti vanotambura zvikuru nekusaendeswa kwevana kuchikoro nemhuri iyi uye izvi zvakatanga apo vakanga vave kupinda chechi yechipositori.

“Pamba apa pane vana 9 vasingaende kuchikoro. Sasabhuku handigone kurambidza munhu chitendero chake, zvava kutoda vemutemo izvi ini handizvigone,” vakadaro.

Vanoti vana vanofanirwa kuendeswa kuzvikoro kwete kuti voswera vachimberereka pamusha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey