Uncategorized

Madzibaba onzi akabhinya mwana

26 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUMWE muporofita wekuChitungwiza akamiswa mudare redzimhosva achipomerwa kubata chibharo musikana ane makore 16 okuberekwa achibatsirana nemudzimai wake.
Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Norman Korapi, akati Heriton Chikanga (33), wepanhamba 10404 Unit K Seke, kuChitungwiza, uyo anoshandira vanhu pamasowe ake ari kwaMachipisa, kuHighfield muHarare, akashanyirwa pamasowe apa nemusikana uyu achida kubatsirwa pane zvaimunetsa.

Chikanga anonzi akashandira mwana uyu zvaaida ndokuzomuti ainge aine mumwe muteuro uyo aifanira kunomuitira kumba kwake kuChitungwiza.

Vanonzi vakaenda kumba uku asi Chikanga haana chaakabatsira nacho musikana uyu kusvika usiku. Papera nguva yakati kuti, musikana uyu anonzi akazonzwa Chikanga oudza mudzimai wake kuti iye musikana uyu ainge ari mudzimai wake wechipiri izvo mukadzi wacho anonzi haana kupokana nazvo.

Chikanga anonzi akabva ataurira mudzimai wake kuti abate musikana uyu apo iye aimubhinya.
Chikanga nemudzimai wake vanonzi vakabatsirana kubhinya mwana uyu ndokumuregedza apo akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakaita kuti vasungwe.

Mutongi Lazarus Murendo akati Chikanga nemudzimai wake havakodzere kupihwa bhera nekudaro vakanzi vadzoke zvakare kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

 

Share This:

Sponsored Links