Madzikirira chinombova chii?

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:
Nhai sekuru, chinombonzi madzikirira chii? Zvinenge zvichifamba sei kuti zviitike? Anokonzerwa nei? Madzikirira anodzingika here? Nekuti ini madzikirira angu haasi kupera.

MHINDURO:
Iwe muzukuru, nevamwe vangangodaro vachisangana nedambudziko iri, chinonzi madzikirira mweya wakashata, waSatani unenge uchirwisana nemweya wakanaka waTenzi.
Saka paunenge uri kurwisana nemweya wakaipa uyu kuhope dzako, izvi zvinosvika pakukukanganisa zvekuti vamwe vanoita izvi vanototadza kukotsira zvakanaka. Vamwe vanotoerekana vasvinura kana kuita sevanotorwa, vogumisira vovhumuka.
Kune vamwe, ndipo panobva pauya urwere, humwe hwacho hwakatosimba.
Zvakafanana nekuti unorota uchirumwa nenyoka, unotomuka pachirwadza kana kutozvimba uchitonzwa marwadzo pacho paunenge warumwa – kurapwa muchipatara zvotoramba kusvikira munhu atofa.
Asi ukarota warumwa nenyoka, wobva wakwanisa kupara kana kusvina pawarumwa pacho, unetenge wakunda hondo yemadzikirira.
Dzimwe nguva unorota uchiita kunge wakagarirwa nemunhu zvekutosvika pakutadza kufema nekuzarirwa.
Paunomuka, unonzwa muviri uchiita kunge wakapondwa-pondwa nekurwadziwa.
Kana kurota uchidzingirirwa kana kudzipwa chaiko, kuti uridze mhere zvichiramba. Ose aya madzikirira.
Kana waona madzikirira anyanya kuramba achiitika kwauri, batsirwa nenyanzvi dzinoziva zvechivanhu kuti zvipere.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949.

Share This:

Sponsored Links