Madzimai ane kodzero yekufamba akasununguka

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Madzimai ane kodzero yekufamba akasununguka

Kwayedza

MAKADII mhuri yeZimbabwe! Tinokutambirai kuchikamu chino cheZimbabwe Women Lawyers Association, apo tiri kukurukura nezvemitemo yemuZimbabwe yakasiyana nematongerwo ari kuitwa nyaya mumatare edzimhosva.

Nhasi uno tiri kutarisana nemumwe wemutongo wakapihwa nedare redzimhosva reConstitutional Court nguva yadarika uyo waive pamusoro pemadzimai mapfumbamwe aive asungwa achipomerwa mhosva yekuita mabasa echipfambi. Mutongo uyu wakasiya vanhu vaine mibvunzo sekuti wakabvumidza here kuti vanhu vaite mabasa echipfambi?

Kune dudziro dzakasiyana dziri kunyuka maringe nemutongo uyu dzimwe dzacho dziri dzemanyepo.

Kune vamwe vanoti sezvo dare iri rakasunungura madzimai mapfumbamwe akange asungwa achipomerwa mhosva yekufamba-famba achitsvaga varume vekusanana navo, rakatotendera kuti mabasa echipfambi anogona kuitwa pasina kusungwa kweavo vanenge vachiaita.

Vanhu vazhinji muZimbabwe vakave nemufungo wekuti dare reConstitutional Court rakabvumidza bhizimusi rechipfambi munyika muno.

Izvi zvave kumutsa mitauro yakawanda uye vanhu vave kushoropodza mutemo uyu vachiti uri kutsigira mabasa anobvisa chimiro nehunhu.

Vatengesi vemumigwagwa apo vakange vari kuratidzira nguva yadarika pavaida kubviswa munzvimbo dzavanotengesera zvisiri pamutemo vaive nezvikwangwari zvaive zvakanyorwa kuti sei ivo vairambidzwa kuita mabasa avo anovawanisa chouviri asi pfambi dzichitenderwa.

Kusanzwisisiswa kwemutongo uyu ndiko kwakaita kuti tive neshungu dzekuti titangise kuutsanangudza kuvanhu nekuunzvera.

Dare reConstitutional Court muZimbabwe rakapa mutongo uyu nomusi wa27 Chivabvu 2015. Dare iri rakamisa kutongwa kwemadzimai mapfumbamwe aya pasi pemutemo weSection 81 of the Criminal Law (Codification and Reform Act) (Chapter 9:23).

Mutemo uyu wakange uchisunga munhu wose anobatwa nemhosva yekufamba-famba achikwezva mumwe nechinangwa chekuita mabasa echipfambi uye aibatwa nemhosva iyi aibhadhariswa faindi kana kugara mujeri kwemwedzi isingadariki mitanhatu kana kuti zvose.

Chikonzero chakaita kuti dare reConstitutional Court riture mutongo uyu ndechekuti waityora kodzero dzemadzimai dzekufamba vakasununguka sezvo vazhinji vacho vevaisungwa vaiwanikwa munzvimbo dzakadai seAvenues, muHarare asi pakange pasina umboo hunovaroverera.

Madzimai mapfumbamwe aya akasungwa nemapurisa vachifamba munzvimbo dziri muAvenues pasi pechirongwa chaidaidzwa kunzi “Operation No to Robberies and Prostitution”.

Varume vavanonzi vakange vari kukwezva vakange vasipo kuti vape umboo hwekuti zvechokwadi vaida kuita mabasa echipfambi navo.

Izvi takaona zvichikanganisa kodzero dzekuti vanhukadzi vafambe vakasununguka sezviri mubumbiro remutemo wenyika muSection 66.

Rakange ratova dambudziko guru kuti mudzimai wose angofamba usiku anosungwa. Somuenzaniso, Tsitsi Dangarembga akambosungwa nemapurisa zvinova zvinoratidza kuti mutemo uyu waivepo bedzi kuti uderedze kufamba kwemadzimai kwete nhau yechipfambi.

Madzimai anofanira kuwaniswa kodzero dzavo dzekufamba panzvimbo ipi zvayo nenguva dzavanoda uye vakasununguka. Mutongo wakapihwa nedare uyu tinoutenda nekuti unoenzanisa mikana yemadzimai nevarume. Tinoda kuzivisa zvakare nyika kuti mutemo uyu haupo kuti ubvumidze nyaya dzechipfambi, kwete, asi unobvisa rusarura kuvakadzi avo vaingosungirwa kufamba apo varume vasiri.

Gwaro iri rakanyorwa naTariro Tandi – Transformation Justice Programme Manager.

Makasununguka kupa pfungwa nemaonero enyu padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]> kana panhamba dzinoti 0777 828 201. Tosangana zvakare muchikamu chinotevera muKwayedza nemusi weChina. Ngatikurukurei nezvemitemo.

Share This:

Sponsored Links