Madzimai dzave shasha pakurima

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Madzimai dzave shasha pakurima

Kwayedza

VAKAYARUKA nguva yatakakura kusati kwave nema “lunch box” anoendwa nawo kuzvikoro vanoziva kuti chikafu chaiendwa nacho kuchikoro chaienderana nokuti muri mumwaka upi.
Kana muri muZhizha, kwaiendwa nezvinhu zvomuZhizha: chibage chinyoro chakagochwa kana kubikwa, nzungu, nyimo, manhanga, mapudzi nezvimwewo. Kana chave Chirimo zvaive mhandire, mutakura wenyimo, nzungu kana nyemba namangai. Vana vehurudza vaionekwa vachiuya nezvokudya izvi kuchikoro gore rese.

Waiti ukakumbira, waipindurwa zvokuti kana newe mangwana hawaizombozviita. Waiudzwa kuti, “Pamainzwa mvura ichiti gidhi maifunga kuti ihora here?” Hora madharamedha anoshandiswa kuputitsa mazitombo.

Kwaingove kuudzwa kuti “rimaiwo”.

Yanga iri garoziva kuti madzimai ndiwo anorima zvakanyanya mumaruwa. Asi mudzimai wechidiki amai Nyasha Chamwazhika-Tapererwa anorima ari kumaruwa okuGuruve akazviratidza kuti kugona kurima hazvinei nezera uyewo kuti uri murume kana munhukadzi. Akaratidza kuti kana madzimai echidiki ari kutevera gwara ramadzimai avo.

Panguva yeHarare Agricultural Show, amai Nyasha Chamwazhika-Tapererwa vakatora mukombe wokuve murimi wapamusoro pavarimi vokumaruwa. Vakakunda mukurima zvirimwa zvakasiyana-siyana. Vanorimawo zvirimwa zvomumagadheni nokuchengeta zvipfuyo.

Vakapihwa mubairo wezitirakita rinonzi pachiRungu 75-horsepower tractor. Tirakita iyi yakapihwa nekambani inonzi Southern Regional Trading Company.

Mushure mokutambidzwa mubairo wavo, Mai Chamwazhika-Tapererwa vakati, “Ndafara zvikuru kuwana mubairo wetirakita. Ndange dzichirima nemombe negejo, asi iye zvino ndave kuzorimawo netirakita, zvinorerutsa basa.

Ndinotenda mutungamiri wangu President Robert Mugabe nechinangwa chavo panyaya dzezvokurima.

“Ndave nenguva ndichirima, asi nhasi ndanzwa kufara nokuti simba rangu rabhadhara.”

Vanoti havana munda wakakura, asi vanoona kuti pamahectare manomwe avainawo vanoarima ese. Vakavedzera vachiti kunyange zvazvo vave noruzivo rwokurima rwapamusoro, vanobatsirwawo nohunyanzvi noruzivo rwunobva kuvarimisi.

Murume wavo, Liberty Tapererwa, akati zvaifadza kuti mudzimai wake awana mubairo wakadai nokuti ndiye anoita basa rese rokurima pamunda wavo.

VaIvan Craig, mutungamiri anoona nezvinobva mukurima musangano reZimbabwe Agricultural Society vakapembedza Mai Chamwazhika-Tapererwa vakati mugove vavakawana mucherechedzo wokuti varimi vomumaruwa vari kubatsirawo kuti nyika iwane kudya kwakakwana.

Mubvunzo mukuru wave wokuti Mai Chamwazhika-Tapererwa vachiri kungoda mahectare manomwe chete here kana kuti vave kuda munda mukuru? Uyewo mamwe madzimai anoti chii nazvo, kunyanya vanasikana?

(Munyori wezvokurima wepepanhau reThe Herald Elita Chikwati ndiye akakokorodza mamwe mashoko aya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey