Uncategorized

‘Madzimai itai mabhindauko’

09 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

GURUKOTA rezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Oppah Muchinguri, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vapinde mumabhindauko emabasa emawoko kuti vakwanise kuzvimirira sezvo iyi iri imwe nzira inogona kuderedza kushungurudzwa kwavo. Muhurukuro neKwayedza, Cde Muchinguri vakati vanhukadzi vari kusimudzirwa kuburikidza nehomwe yeWomen Development Fund.

“Takaona zvakakosha kuti madzimai ange achishandisa mawoko kuzvisimudzira kubudikidza nemabhindauko pane kuti vamirire kuchengetwa navanababa zvakare senzira yekuderedza kushungurudzwa nekudzvinyirirwa kodzero dzavo mudzimba nenharaunda mavanogara,” vakadaro Cde Muchinguri.

“Tiri kutarisa mapurovhinzi ose munyika uye mabhindauko aya anosanganisira kurima zvakasiyana, kupfuya mombe nezvimwe zvipfuyo nekuchengeta nyuchi. “Takatarisana nechirongwa chakaunzwa neHurumende, cheZim-Asset, madzimai vari kufanira kuita mabhindauko makuru anosimudzira mhuri pamwe neupfumi hwenyika.”

Cde Muchinguri vanoti bazi ravo riri kubatsira vanhukadzi mukutsvaga misika yekutengesa zvingave zvigadzirwa kana zvirimwa zvavo.

Share This:

Sponsored Links