Madzimai nenhamo. . . vanongopomerwa hutadzi

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
7. Sarudza nhetembo shanu dzinoburitsa zvinoshungurudza madzimai kubva muna “Mutakunanzva Wenhetembo” asi dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana. Zvino chitsanangura zvinhu zvitatu zvinoburitswa mudetembo rega rega. [25]

Nhetembo dzacho dzinosanganisa dzinotevera; Zvimwe tinongotaura naAlouis T. Sagota, Unye naToyindepi M. Musiyiwa, Kuna Nyadenga naNyevero Maruzani, Inhamo Kupfeka Rokwe naReason Kufonya uye Chii Chineni Munhukadzi naPeter Marimi.

Mudetembo raAlouis T. Sagota Zvimwe tinongotaura, anoti madzimai anoshungurudzika nekuonekwa sevanhu vanongokanganisa sepaanoti, “. . . isu madzimai tinongopomerwa hutadzi.” Nyanduri anoti madzimai anoshungurudzwa kuburikidza nemhirizhonga dzemumisha sepaanoti, “. . . mudzimba umu mune hondo”.

Kubva mune rimwe detembo raToyindepi M. Musiyiwa rinonzi Unye, anoti madzimai ari kurwadziwa nekutsvagirwa zvirwere nevanhurume sepaanoti, “. . . kumudzimai momwaya henyuzve utachiona!” Nyanduri anoti madzimai anoshungurudzika nekushairwa shungu nerudo navanababa sepaanoti, “. . . ratoshinga kushaya hanya, rudo nengoni namai vevana”.

Nyanduri Nyevero Maruzani mudetembo rake Kuna Nyadenga, anoti madzimai ari kushungurudzwa zvikuru mudzimba dzavari kugara sepaanoti, “Mhirizhonga mudzimba zvino yawandisa!” Nyanduri anoti madzimai anoshungurudzika nekuti akatanga mabasa anoita kuti agare zvakanaka anoguma ave kupomerwa umhombwe sepaanoti, “Azvitangira mhindu yake ikabudirira hake, hanzi ipfambi.”

Mudetembo rakanzi Inhamo Kupfeka Rokwe, nyanduri Reason Kufonya anoti madzimai anoshungurudzika nekurohwa mudzimba sepaanoti, “Ndikakanganisa ndinomharwa nembama.” Nyanduri anoti madzimai ari kurwadziwa nekuti haakwanisi kurwisana nevanhurume sepaanoti, “Handigoni kumisidzana naye zvibhakera.”

Mudetembo rekupedzisira raPeter Marimi rinonzi Chii Chineni Munhukadzi?, anoti vakadzi vari kushungurudzika nekuti vakafirwa nevarume ukama hunobva hwapera sepaanoti, “Ndive chirikadzi ndatova mutorwa.” Nyanduri anoti vakadzi vanoshungurudzika nekuti mushure mekufirwa vari kubvutirwa pfuma vodzingwa sepaanoti, “Zvose zvinotorwa ini ndichitandaniswa sembwa.”

8. Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana dzinotaura zveungochani, ugotsanangura zvadzinoreva kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25]

Nhetembo dzandasarudza ndeidzi; Dhemokirasi Nekodzero Dzevanhu naToyindepi M. Musiyiwa, Chii Chapinda Rudzi? naLiveson Tatira, Imba Isina Mombe Yeumai naWilson Zvomuya, Shandurai Maitiro naPrimrose Nyangoni uye Ini Zvandikona kubva kuna Reason Kufonya.

Detembo rekutanga nderaToyindepi M. Musiyiwa rinonzi Dhemokirasi Nekodzero Dzevanhu. Nyanduri anoti kodzero dziri kupawo ngochani mukana wekuti dzionekwe sedzinoita zvinhu zvakanaka sepaanoti, “Ngochani hadzizonzi, hehe-e, dzingirirai ngochani idzo!” Nyanduri anoti ngochani dzine shungu dzekuve muwanano yakasiyana neinozivikanwa sepaanoti, “Vane vavariro yekumisawo wanano ine mhando yayowo.”

Detembo repiri rinobva kuna Liveson Tatira richinzi Chii Chapinda Rudzi?, anoti mutsika yevanhu vatema makanga musina zveungochani sepaanoti, “Murudzi rwechitema hakuna aimborota zveungochani.” Nyanduri anoti maitiro engochani ekuti vanhu vane sikarudzi dzimwe chete vadanane akaipa sepaanoti, “Kwete hadzi dzoga kana hono dzoga.”

Rimwe detembo tinoripiwa naWilson Zvomuya Imba Isina Mombe Yeumai, nyanduri anoti tsika yeungochani haiyemuriki uye yakaipa sepaanoti, “Unhu hwako hwakadyiwa nembwa chokwadi!” Nyanduri anoshoropodza tsika yeungochani achiti chero mhuka chaidzo hadziite mararamiro iwayo sepaanoti, “Imbwa nenguruve dzine misha yakatsiga kudarikewe.”

Mudetembo raPrimrose Nyangoni rinonzi Shandura Maitiro, nyanduri ari kushungurudzika nekuti vekwakewo vave kuita zveungochani sepaanoti, “. . . newamai vanguwo chatobaya chikatyokera.” Nyanduri anoti Musikavanhu haafarire tsika yeungochani sepaanoti, “Dzaiva mavhu nemarara muSodoma neGomora asi Mwari nekutsamwa ndokudziparadza nawo mwoto.” Nyanduri anoshoropodza tsika yeungochani achiti dzinokurirwa nemhuka pamaitiro sepaanoti, “Kukundwa nemhuka dzinofambidzana hono nehadzi?”

Mudetembo rekugumisira rinonzi Ini Zvandikona, nyanduri Reason Kufonya anoti mazuvano vanhurume vakupfimbana nekugarisana vega sepaanoti, “Nhasi murume opfimba murume, zvekutopinda mumambure chaizvo.” Nyanduri anoti maitiro engochani ari kufumura tsika yakanaka yeroora sepaanoti, “Ko, danga nerugaba zvobviswa nani?” Nyanduri anoti tsika yeungochani mashura makuru pamaitiro evanhu vatema sepaanoti, “Awa ndiwo madhunanga, rugotwe kudya masungiro aamai.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey