Madzimai obatsirwa kunyoresa pamuviri

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Madzimai obatsirwa kunyoresa pamuviri

Kwayedza

MADZIMAI akazvitakura vanogara munzvimbo dzinosanganisira Hopley, Southley Park, Mbare nechikamu cheWaterfalls vari kubatsirwa mukusimudzira utano hwavo nedonzvo rekudzivirira ndufu panguva yekusununguka pasi pechirongwa chemubatanidzwa wekanzuru yeguta reHarare, bhanga reWorld Bank nesangano reCordaid.

Vachitaura nguva yadarika pazuva rekushambadzwa kwechirongwa ichi kuHopley, VaNigel James, avo vanova district health officer kuCity Health Department mukanzuru yeHarare, vanoti vane shungu yekutsigira utano hwemadzimai akazvitakura senzira yekuderedza ndufu dzavo nevana panguva yekuzvitakura nepakusununguka.

“Huwandu hwemadzimai nevana vari kufa panguva yekusununguka huchakawanda zvisinei nekuti huri kuderera padiki-padiki nekuda kwematanho ari kutorwa neHurumende nevamwe vatsigiri. Tinorwisa kuti pashaye kana mudzimai mumwe chete anofa panguva yekusununguka.

“Takaona kuti madzimai mazhinji ari kukundikana kuwana $25 yekuti vanyorese pamuviri pavo, zvikuru munzvimbo dzichakasaririra seHopley nedzimwe. Saka nemushandirapamwe webhanga reWorld Bank neCordaid, tinopa madzimai iwayo mavhocha anoita kuti vanonyoresa kuzvipatara zviri pedyo navo.

“Pamusoro peizvi, vanozopihwa mari inoita $20 yekuti vabatsirikane mushure mekusununguka asi vanofanira kunge vari madzimai anotambura zvedi, nokudaro kune vabatsiri vanove madzimai anoshandira mudzimba veHome Based Care vanotiyamura mukuita ongororo iyi,” vanodaro.

Vanoti kana pachinge pazoita zvigozhero zvinoda kuti madzimai aya ange achipfuudzwa kuzvipatara zvikuru zvakadai seHarare Central Hospital, mavhocha iwayo anenge achingoshanda zvakare.

“Kana pakaita zvigozhero sekuti mudzimai anoda kunovhiiwa kana zvimwe, mavhocha iwayo anoshanda uye mushure mekusununguka, mudzimai anopihwa mari yekuti abatsirikane. Zvakare kugara kwaanoita muchipatara kunobhadharwa nemavhocha iwayo.”

VaJames vanoti chirongwa ichi vakachitanga muna2015 mushure mekuona kuti madzimai akawanda ari kukundikana kunosunungukira kuzvipatara nekuda kwekushaya mari yekunyoresa izvo zvaiita kuti vagumisire vave kusunungukira mudzimba kana kuti kumakereke zvinova zvine njodzi huru.

VaJames vanotizve kunze kweizvi, vari kubatsira zvipatara zviri munzvimbo idzi kuti zvive nezvivakwa zvakanaka, kubhadhara varapi, kutenga mishonga nezvimwe.

“Chirongwa ichi chicharamba chichienderera mberi kusvika mugore ra2017 uye pari zvino chiri kubatsira madzimai anodarika 2 055. Tiri kutarisira kuti chichazotekeshera kunzvimbo dzakawanda kana tichinge taona kuti chiri kutipa pundutso,” vanodaro.

Pazuva iri, madzimai nevanasikana vakawaniswa dzidziso yezvekukosha kwekusunungikira muzvipatara nemakirinika kuburikidza nemitambo yakaitwa nemadzimai eHome Based Care pamwe nedzimwe nhengo dzekanzuru yeHarare.

Pari zvino vakakodzera kupinda muchirongwa ichi madzimai akazvitakura asingakwanisi kubhadhara mari yekunyoresa achigara munzvimbo dzinoti Mbare Ward 3, Hopley Zone 1-6, Southlands, Southely Park, Eye Court, Ushewokunze, Dhonhoro, Bellapaise, Dunstan neRetreat Farm.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey