Uncategorized

Madzishe vari kutungamirira budiriro

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Madzishe vari  kutungamirira  budiriro MADZISHE ari kutungamidzwa mumabasa ebudiriro kubva zvakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

Kwayedza

MADZISHE ari kutungamidzwa mumabasa ebudiriro kubva zvakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

MADZISHE ari kutungamidzwa mumabasa ebudiriro kubva zvakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

BAZI rekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba rinoti muZimbabwe mune madzishe anokwana 276 apo vashanu vavo vari vanhukadzi.

Vachipindura mibvunzo yeKwayedza pamusoro pemashandiro emadzimambo, VaNathan Nkomo, avo vanove Director Policy, Programmes and Co-ordination mubazi iri, vanoti madzishe ari kuita basa guru rekutungamirira nyaya dzebudiriro kumatunhu avo kubvira pakawana nyika kuzvitonga kuzere mugore ra1980 kusvika nhasi.

Mukusimudzira budiriro iyi, madzimambo anoshanda kuburikidza nemasadunhu pamwe nemasabhuku.

“Kunze kwekutungamirira muzvirongwa zvebudiriro, madzishe ane basa guru rekufambisa zvirongwa zvakaita sekuona kuti vanoda zvekudya vazviwana nenguva, kupihwa kwezvekurimisa pamwe nekusarudzwa kwevana vanotambura nevanoshaya kuti vabatsirwe kubhadharirwa mari dzechikoro pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (Beam) nezvimwe zvirongwa,” vakadaro.

Zvimwe zvirongwa zvekubatsira vanotambura zvinosanganisira Zunde Ramambo apo panorimwa zvekudya zvinozopihwa vanotambura vakaita senherera, vakwegura nechirikadzi.

Madzimambo ndiwo ane basa rekuona kuti tsika pamwe nemagariro echivanhu zvachengetedzwa uye vanopihwa zvakare masimba avo pasi pemutemo weCustomary Law and Local Courts Act (Chapter 7:05).

Ibasa remadzimambo zvakare rekuona kuti ivhu pamwe nenharaunda zvachengetedzwa zvakanaka.

Zvakadaro, pakukumikidzwa kwemadzishe panenge paine masvikiro ayo anoratidza gwara rinofanirwa kuteverwa.

VaNkomo vanoti madzimambo anogadzwa nemutungamiriri wenyika neHurumende vari zvakare mukuru-mukuru wemauto, President Mugabe ayewo masadunhu achigadzwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba kuchizoto masabhuku anogadzwa nemunyori mukuru mubazi iri.

Vanoti dzimwe nguva madzishe anosangana nezvimhingamipinyi zvakafanana nekunzvera mitemo inoenderana nebasa ravo yakaita seTraditional Leaders Act , Criminal Codification Act, Customary Law neLocal Courts Act (Chapter 7:05) – chikonzero chikuru chiri chekushomeka kwemagwaro anenge akanyorwa nemitauro yavo.

“Izvi zvinoita kuti pave nekuperevera mukuda kushandisa mitemo iyi,” vakadaro VaNkomo.

 

Share This:

Sponsored Links