Maererano nehukama

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
TIKATARISA pepa redu rechiShona tichidzoka kumashure, tinoona kuti gore rega-rega hakushaikwe mubvunzo wakanangana nezvehukama. Nokudaro, tinoda kutora uno mukana kuti tizivane maringe nehukama hwedu.

Mazuva ano zvava kunetsa chose kuti vanhu vawane vanovaraya nekuti hakuchina matare aya aigarwa navakuru pachiuiwa nehuni dzedeza kuti vanhu vagoraiwa. Nguva yavanofanirwa kuita izvi yava kupedzerwa mukuonekwa kwezvivhitivhiti nekubaiwa-baiwa kwaidzo nharembozha.

Vana amai, vana sekuru navana ambuya kana vana tete havachina nguva nevana vavo kuti vapote vachivadzidzisa zveupenyu. Munhu wese angova “cousin brother” kana “cousin sister” kana “uncle”. Tinoda kutanhaura zvidari zvekusaziva zviri maererano nehukama huri pakati pedu. Hukama hunotangira mumba matinogara nevakatibereka uye vatakaberekwa navo. Akakubereka kana ari munhukadzi anonzi amai koita baba kana ari murume. Amaiguru vanotaurwa nepakawanda nekuti ndivo mukoma waamai vako. Amaiguru zvakare zvinoreva mukadzi akatangira amai vako kuroorwa nababa vako. Mukadzi akaroorwa nemukoma wababa vako anonzi maiguru zvakare. Amainini munin’ina waamai vako. Amainini zvakare mukadzi akaroorwa nababa vako mushure maamai vako. Mukadzi akaroorwa nemunin’ina wababa vako unomuti amainini zvakare. Ambuya ndivo amai vababa vako kana amai vaamai vako.

Hanzvadzi ndiye mwana wose mukomana wemumhuri yenyu ndokunge iwe uri munhukadzi. Hanzvadzi zvakare zvinoreva mwana wose musikana wemumhuri menyu ndokunge iwe uri munhurume.

Hwanzvo zvava kureva mudiwa wako kana kuti chido chemwoyo.

Kana pari pabarika, mukadzi mudiki akaroorwa pamurume mumweyo anonzi mukadzinyina. Kune dzwimwe nzvimbo mukadzinyina zvinoreva mukadzi akaroorwa nemurume mudiki mumhuri. Mukadzinyina iyeye anodaidzwa kuti mainini. Mukorore kana murumbwana zvinoreva mwana mukomana mumhuri. Iri zita rinowanzoshandiswa kuManicaland. Mukuwasha ndiye mukwambo. Ndiye murume wemwanasikana wako.

Mukuwasha zvakare murume wehanzvadzi kana tete vako ndokunge iwe uri murume. Mukuwasha mubvisi wepfuma achitora mwana wawabereka.

Muzukuru anobuda zvakare pakawanda. Muzukuru mwana wemwana wako. Muzukuru zvakare mwana wemwana wemwana wako. Anogona zvakare kuita muzukuru kana ari mwana vavatete vako kana iwe uri mukomana.

Sahwira ndiye shamwari yemhuri. Sahwira haisi hama yako asi kuti munhu wamunonzwanana naye mukugarisana zvekuti pazvose zvemumhuri menyu munotomusuma achibata pamwe nemi. Samukadzi izita rinoshandiswa kuManicaland kureva hanzvadzi kana kuti tete. Zvinoreva zvakare kuti hanzvadzi.

Sarapavana munhu anofanobata ushe kana umambo kana anga aripo achinge afa kusvikira mumwe agadzwa. Sarapavana anowanikwa zvakare panenge pafiwa nemunhurume asi paine vana nemukadzi vanoda kuzochengetwa. Tezvara ndibaba vawakaroorera kana hanzvadzi dzemudzimai wako nanababamukuru nanababamunini vake. Tezvara zvakare ndibaba vemurume akakuroora. Rimwe zita ratezvara ndisezvara.

Tsano ihanzvadzi yemukadzi wako. Mwanasikana wemunhu anonzi mukunda kana muzvare. Vamwene ndivo zvakare vamazvarira. Taita kana urwani zvinoreva musikana mukuru kwauri kana iwewo uri musikana.

Share This:

Sponsored Links