Uncategorized

Maererano nekuwanana

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
TINORUSIMUDZIRA rwiyo rwewanano tichibva patakapedzisira pamatenga gudo tichipinda mune imwe nzira yaitorana nayo vanhu vekare chero nevanhasi. Iyi nzira haina kutwasuka nekuti vaviri vanongotorana votogara vose, voita dungwe revana asi pasina kana badza kana pfuma yakabviswa. Vanotosvika pakutochembedzana pasina kana chakakandwawo mukanwa navatezvara.

Zvadaro, nekuda kwechivanhu, vanhu vanozongopedzesera vofambidzana havo pahukama uye nekuda kwemhuri yakatetsurwa. Kutorana kwenzira iyi kunonzi kuchaya mapoto.

Kunewo imwe nzira yaiitwa kare zvakare nanhasi ichiri kutoitwa nevazhinji. Mukomana nemusikana vanodanana zvavo vofambidzana. Mukufambidzana umu vanozogona kucharika mutanda, dzokono musikana ozvitakura kana kuita mimba.

Nekuti rine manyanga hachiputirwi, musikana anotya kuzoonekwa nevabereki vake kuti ashata. Kana zvadai, musikana anoenda kumukomana akamupa mimba kaverevere. Mukomana avingwa nemusikana nenzira iyi anozivisa vabereki vemusikana kuti ndiye ane mwana wavo nekubvisa tsvakiraikuno kana kuti anoita kunonzi kusheedzera.

Haisi nyaya yenhumbu chete inounza mhando yewanano iyi. Kunonoka kuenda kumba chaiko kwemwanasikana kunoita kuti adzingwe obva atizira kuti amunonotsa kuenda kumba kunonzi kutizisa.

Kana tichitevedza tsika chaidzo dzekare dzewanano dzakatsiga, mukomana nemusikana kana vachangotanga kudanana, vanopanana chinonzi chindakuda kana kuti mubato. Kana musikana azonyura murudo anopawo mukomana nhumbi kana ndima semucherechedzo werudo.

Kana vaviri ava varamba vachidanana zvokuti vanovimbisana kuroorana, vanopana chinonzi chitsidzo. Musikana anopa chake chitsidzo mukomana opawo chake. Izvi zvinoitwa pamberi patete vemusikana.

Kana zvichifamba zvakanaka pasina chihwandehwande, vaviri vanosvika pavanotaurirana kuti ngatichiwanana. Kana zvadai, mukomana anotsvaga munyai kana kuti sadombo uyo anoenda kwatezvara achitsvaga sadza. Kutsvaga sadza uku kuda muroora.

Sadombo kuti akwanise kutaura naatezvara anotanga abvisiswa mari yevhuramuromo. Kana vhuramuromo yabviswa sadombo anonzi makandinzwanaani kuti ndine tsvarakadenga nekudaro obvisiswa mari inonzi makandinzwanani.

Apo sadombo anenge achitaura natezvara anotarisirwa kuombera nekudaro kubvumidzwa kuombera mumba naatezvara anobvisisiswa mauchiro. Anobvisazve mari yesunungura homwe kuti basa richifamba.

Baba vanochitanga nekushevedzera mari inonzi yematekenyandebvu. Iyi imari inobviswa kuripa kutambiswa kwaiitwa ndebvu dzababa nemukadzi ari kuroorwa achiri mudiki. Maiwo vanobva vadevedzera mari yehotamiro apo vanenge vachiti mwanasikana oroorwa uyu aivaremera ari kumusana apo kusakura nekucheka rukweza.

Mai zvekare vanoenda mberi vachidevedzera kuti mwanasikana uyu aimbopfura pfura ari mudumbu mavo nekudaro vanodawo mafukidzadumbu.

Baba vanozodaidzira mari yavo chaiyo yekuroorwa kwemwanasikana wavo inonzi mari yerugaba, mabvunzirano kana kuti rusambo. Rusambo ndiko kuroora chaiko uye imari yababa.

Panozotaurwa pfuma yemombe dzinotarwa navatezvara dzinotsika. Pfuma iyoyo inonzi danga. Baba naamai vanotaurawo mbatya dzavo dzavanoda kuzopfeka semucherechedzo wekuwanikwa kwemwanasikana wavo nekudaro vanopihwa anonzi majasi. Kana mukuwasha akaitisa mwana wevanhu pamuviri asati aroora, anobvisiswa mari inonzi yematyorwa kana pwanyaruzhowa.

Share This:

Sponsored Links